Accessibility links

Breaking News

Mhuri Dzinodarika Zana, Kusanganisira Svikiro, Dzinobviswa paPurazi reWaterloo kuMashonaland West


Mhuri idzi dzinonzi dzakasiiwa parutivi pemugwagwa weHarare-Chirindu pasina mvura kana zvimbuzi.

Mhuri dzinodarika zana, kusanganisira svikiro redunhu reVhuti, dzakabviswa papurazi reWaterloo neChitatu dzichinzi dzigere panzvimbo iyi zvisiri pamutemo.

Mhuri idzi dzinoti dzakashamiswa apo chikonzi nemapurisa ayinge akapakata zvombo nemboma ayisvika gumi nevashanu vepakamba yemapurisa yeMakuti vakasvika vachipisa misha yavo vachiti vabve sezvakatarwa nedare repamusoro reHigh Court.

Svikiro rekwaJenami renzvimbo iyi VaTapfumaneyi Katemanyoka vanoti kunetsana papurazi apa kwakatanga muna 2018 apo VaJames Chigwedere, hama yevaimbove gurukota rezvedzidzo VaAneas Chigwedere, vakapihwa gwaro rekuti nzvimbo iyi yave yavo asi nzvimbo iyi isiri nzvimbo inogariswa vanhu.

VaKatemanyoka vanoti VaChigwedere vakazofa gakava renzvimbo iyi risina kupera. Vanoti vakazotanga kunetsana nemuzukuru waVaChigwedere, VaVincent Chigwedere avo vazouya nemapurisa pamwe nechikonzi kuzovabvisa papurazi apa.

Zvinonzi mapurisa akamanikidza vose vanga vari padzimba dzavo kuisa midziyo yavo yose mumotokari hombe vachinokandwa pedyo nemugwagwa mukuru unobva kuHarare uchienda kuChirundu apo vagere pamhene kusvika pari nhasi.

Mumwe wevakapisirwa dzimba, Amai Patuna Adam, vanoti zvinhu zvavo zvakawanda zvakatsvira mumba sezvo vasina kupihwa nguva yekuzviburitsa.

Amai Adam vanoti vari kutambura pamugwagwa pavagere sezvo pasina mvura, zvimbuzi kana zvekudya. Amai Adam vanoti vanokumbira hurumende kuti ivawanise pekugara nekukasika.

Mumwe asina kwekuenda ndiAmai Nyadzisai Govera, avo vanoti nzvimbo yavari kubviswa ndiyo yavanoziva chete uye ndipo pavakasiyiwa nemurume wavo akafirapo makore mashanu apera.

Mumwe akapisirwawo dzimba ndiAmai Jesca Phiri avo vanoti havana zvekudya uye nhumbi dzavo nedzevana vavo dzakapiswa. Amai Phiri vanoti vana vacheche vavekurwara nekugara panze panemhepo yakanyanya.

Gogo Eridha Mupfudza vanoti vakatadza kuburitsa mari yavo inosvika madhora mazana matatu yavaichengeta mumba yavaitora kumaroja avo kuKaroi sezvo vainge vasipo pakapiswa dzimba dzavo.

VaTapfumaneyi, avo vanoti vakarwa muhondo yeChimurenga yechipiri vari kudivi reZIPRA, vanoti hapana kwavari kuenda.

Mudzviti wenzvimbo uye vari sachigaro webazi rinoyamura vanhu vanenge vawirwa nematambudziko mudunhu reHurungwe, Va (First Name please) Tizora vanobvuma kuti nzvimbo yabviswa vanhu haisi yedzimwe dzinogariswa vanhu patsva vachiti vanhu vavanosungirwa kuyamura isvikiro renzvimbo nemhuri yaro asi vamwe vakawanda vanofanirwa kudzokera kwavakabva.

VaTizora vanoti dambudziko revanhu vari kugara panzvimbo zvisiri pamutemo riri kuwanda uye vari kuyambira vanhu kuti vasagare panzvimbo zvisiri pamutemo.

Hatina kunzwa divi raVaChigwedere sezvo vayambira vatori venhau kuburikidza nevashandi vavo vanga vachiona nekuchengetedzwa kwavo kana kuti personal security kuti havasi kuda kuona kana kutaura nevanhu.

Mutauriri wemapurisa munhudu reMashonaland West, Amai Margaret Chitove vaudza Studio 7 kuti ibasa remapurisa kuona kuti vanhu vatevedzera mutongo unenge wapiwa nematare edzimhosva.

Nyaya dzevanhu vari kubviswa munzvimbo dzavagere zvinonzi hazvisi pamutemo dzinowanda nguva ino yegore makore ose mudunhu reMashonaland West.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG