Madzimai akazvitakura muZimbabwe anonzi ave kukoshesa kuenda kune vezveutano kunoongororwa nhumbu dzavo inonzi pachirungu Antenatal Care visits zvichienzaniswa nemakore akare.
Mumwe chiremba, Doctor Fortune Nyamande, vanoti zvakakosha zvikuru kuti madzimai akazvitakura vave vachinoonekwa nguva nenguva kuitira kuti kana pane zvinonetsa zvigadziriswe.
VaNyamande vatiwo madzimai akazvitakura ari kunoongororwa sezvinotarisirwa asiwo vakati pachine mamwe madzimai anononoka kunyoresa pamuviri kana vasinganoongororwi.
Izvi zvatsigirwa naDr Nicholas Wazadza avo vatiwo zvakakosha kuti madzimai akazvitakura apote achinoongororwa vachiti izvi zvinodzikisa hupenyu hwemadzidzimai nevana hunorasika.
Mumwe mukuru musangano rinoshanda nemadzimai munyaya dzehutano oasi rose, reUnited Nations Population Fund, Amai Abigail Musemberi, vati madzimai mazhinji ava kukwanisa kunoonekwa kana vabata pamuviri.
Amai Musemburi vati zvimwe zvezvipingaidzo zviri kutadzisa kuenda kwemadzimai akazvitakura kunoongororwa inyaya yemufambo unenge uripo.
Madzimai aitarisirwa kunovhenekwa pamuviri kana kusvika vabatsirwa asi sangano reWorld Health Organisation rakakwidza kuti madzimai achive achishanyira zvipatara kasere pavanenge vakazvitakura.
Amai Musemburi vanoti vachiri kuongorora kuti madzimai ari kuzvigona here ikana kuti kwete zvekuonekwa kasere apo anenge aine pamuviri.
Facebook Forum