Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokwereta Mari Kuti Ibhadhare Vashandi Mabhonasi eGore Rapera


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa

Hurumende yave kuyedza kukwereta mari kuburikidza nekutengesa maTreasury Bills kuti ikwanise kubhadhara vashandi vayo mabhonasi.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti hurumende zvikwereti zvakadai munongedzo wekukundikana munyaya dzezvehupfumi.

Gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti hurumende iri kuda mari inosvika mamiriyoni zana nemakumi masere kubhadhara mabhonasi egore rapera.

Uku kuwedzera zvikwereti pabhajeti yegore rapera inosvika mabhiriyoni mana emadhora.

VaChinamasa vanoti nyika ine mari inosvika mabhiriyoni maviri kuburikidza nematreasury bills aya.

Asi chii chaizvo chinonzi treasury bill?

Mutungamiri webato rinopikisa rePeople's Democratic Party, uye vaimbova gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti ma treasury bills aya anotengeserwa kumabhanga kunyanya uye anenge ari zvibatiso zvekuti hurumende inenge yatenda kuti ine chikwereti.

Asi vamwe vanoti VaChinamasa, avo vakagara vati havana mari, havangazorwe mafuta enguruve yavasina kudya.

Vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakati vashandi vapihwe mabhonasi kunyangwe pasina mari, ndivo vakaresva.

Gurukota rezvevashandi, Amai Prisca Mupfumira, vanoti zvinhu zvakaoma asi vachazadzikisa zvavakavimbisa vashandi.

Asi VaBiti vanoti kutadza kuronga kwaVaChinamasa segurukota rezvemari vachiti shiri yakangwara inovaka dendere rayo mvura isati yaturuka.

Hurumende dzakawanda pasi rose dzinoshandisawo matreasury bills aya kana dzichida kukwereta mari.

Asi VaBiti vanoti matreasury bills aya anokanganisa zvikuru hurongwa hwekugadzirisa hupfumi hwenyika kana hurumende ichiita zvekupaza dura nguva dzose.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paUniversity of the Free State, VaCalvin Mdzingiri, vanoti vana veZimbabwe vachasara vasina kana nhaka nenyaya yezvikwereti.

Mashoko aya anotsinhirwa nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vaimbotungamira sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, VaLuxon Zembe.

VaZembe vanotenda kuti hurumende dzinoshandisa matreasury bills asi vachiti hazvidi kubva zvaita mugariro musoro wetsuro kushaya nyanga.

Ko chii chingatitwe neZimbabwe kuti isarambe ichikwereta mari?

VaMdzingiri vanoti Zimbabwe inotoda kuzvipira kumisa nyaya dzekungoshandisa mari isipo uye kuona kuti yakwezva vekunzwe kuti vatange makambani munyika anozobhadhara mitero inoshandiswa nehurumende.

VaBiti vanotenderana nemaonero aya vachiti hurumende inouraya mbeva yodya seyabaya nzou.

Zimbabwe ine chimwe chikwereti kunze kwenyika chinodarika mabhiriyoni gumi nerimwe emadhora kumasangano akaita seWorld Bank, IMF, European Investment Bank, African Development Bank nedzimwe nyika.

Kutadza kubhadhara chikweri ichi kuri kupa kuti hurumende dzakawanda dzitadze kukweretesa Zimbabwe mari.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG