Accessibility links

Breaking News

VaMangudya Voparura Hurongwa hweKufambiswa kweMari hwa2017


VaJohn Mangudya
VaJohn Mangudya

Gavhuna webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, nemusi weChitatu vakaparura hwaro hwekufambiswa kwemari kana kuti “Monetary Policy Statement” vachiti mabond notes ari kushanda kuwedzera huwandu hwefodya iri kurimwa uye kucherwa kwegoridhe.

VaMangudya vanoti vaisawo parutivi homwe yemari yekunze kana kuti “Nostro Account” mari inosvika mamiriyoni makumi manomwe emadhora yekubatsira kutenga zvinhu kunze kwenyika.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti mari iyi ishoma zvikuru nekuti makambani akawanda anotenga zvinhu kunze kusanganisira mafuta ekufambisa dzimotokari vave nemwedzi yakawanda vachiyedza kutenga zvinhu zvatanga kushayika munyika.

VaMangudya vatiwo hurumende iri kuunza mitemo inopa kuti zvive nyore kutanga mabhizimisi munyika uye ichayedzawo kubhadhara zvikwereti zvekunze.

Vatiwo vanhu havafanire kuburitsa mari kunze kwenyika zvisiri pamutemo vachiti pane mari inosvika zviuru mazana matanhatu emamiriyoni inozivikanwa iri mumabhanga ekunze yakaburitswa pachena nebank of international settlements.

Vatiwo vadzikisa mari yemitero panyaya yekukwereta mari uye vachiti mari iri kutumirwa nezvizvarwa zvezimbabwe zviri kune kwenyika yaderera nezvikamu gumi nemasere kubva muzana.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Doctor Gift Mugano, vati VaMangudya havana kunyatsotara mitemo ingapa kuti hupfumi hubude mumadhaka mahuri.

Hurukuro naDoctor Gift Mugano
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG