Accessibility links

Breaking News

VaMangudya Vanotadza Kuburitsa Nzira Ichadzoswa Mari Dziri Kunze kweNyika


VaJohn Mangudya, Gavhuna weBangi Guru ReZimbabwe
VaJohn Mangudya, Gavhuna weBangi Guru ReZimbabwe

Gavhuna webanga guru reZimbabwe, VaJohn Mangudya, vabudisa gwaro rezvemashandisirwo emari nechinangwa chekusimudzira nekusimbisa mabhimisi munyika uye kukwezva vekunze vanoda kuisa mari munezvamabhizimisi muZimbabwe.

Gwaro iri rinobata zvese kubva kunyaya yekuwana mari yekunze kusvika pakugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwemari munyika.

Imwe nyanzvi munezvemari nehupfumi hwenyika uye vachishanda nePercicon Global Fund Managers, VaPersistance Gwanyanya, vaudza Studio7 kuti gwaro rakabudiswa naVaMangudya rakanakira nyika zvikuru asi havana kufara kuti hapana chakataurwa pamusoro pemari dzakabudiswa munyika zvisiri pamutemo dzinofanira kudzoswa munyika.

“Vekunze vanoda kuisa mari mumabhizimisi muZimbabwe vanofanira kufarira gwaro iri nokuti banga reAfreximbank riri kuti richatsigira mari dzeavo vanoisa mari yavo mumabhizimisi muZimbabwe,” VaGwanyanya vakaudza Studio 7.

“Asi chakanyanya kukosha apa ndechokuti hurumende yedu ipewo rutsigiro nema ‘guarantees’ nokuti vanhu ava vekunze vange vasisina vimbo yakawanda nehurumende yedu.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG