Accessibility links

Breaking News

Kambani yeKwese TV Inopihwa Rezenisi Kuti Itepfenyure paDandemutande


Sangano reZimbabwe Institute of Southern Africa-Zimbabwe rinoti rinotambira nemufaro kupihwa kwemarezenisi matatu ekutepfenyura padandemutande kuKwese TV neBroadcasting Authority of Zimbabwe asi richiti chinodihwa kusunungura masaisai kuti vanhu vakwanise kutepfenyura mateverevhizheni pamwe nemaredhiyoemumatunhu.

Kambani yeEconet, muridzi weKwese TV, yakazivisa neChina kuti yainge yapihwa marezenisi matatu ekutepfeunyura padandemutande.

Nhengo yebhodhi remaTrustees eMISA Zimbabwe, VaChris Chinaka, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vachitambire zvose zvinovandzudza kufambiswa kwemashoko, BAZ haisati yatanga kuburitsa marezenisi avanonyanyoda.

Mukuru weMISA Zimbabwe, VaTabani Moyo, vati marezenisi apihwa Kwese TV ndeemakambani anoita zvemabhizimisi uye ivo vanoda marezenisi eFrequency Modulation ayo anoita kuti veruzhinji vawane mashoko nemutengo uri pasi.

Vatiwo ivo marezenisi apihwa Kwese TV anodhura zvakanyaya sezvo achiita madhora zviuru makumi mashanu pagore uye rezenesi racho rinoti zvikamu makumi maviri kubva muzana zvemari inenge yawanikwa nekambani yacho, zviendeswe kuBAZ pagore rega rega.

VaMoyo vati chinodiwa kusunungura mitemo yezvekutepfenyura kuti pavhurwe mateverevhizheni nemaredhiyo akawanda munyika.

VaChinaka vatiwo zvakakosha kuti hurumende ivandudzwe mabasa enhau nekutepfenyura vachiti izvi ndizvo zvisumudzira mabasa ebudiriro munyika.

Vatiwo hurumende haifaniri kuona sekuti iri kuitira vatapi venhau dzvene vachiti ibasa rehurumende kuona kuti vanhu vawana mashoko nenhau dzavanoda.

Hatina kukwanisa kunzwa divi reEconet panyaya iyi sezvo vange vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Hatinawo kunzwa kubva kune vBAZ kuti makambani mangani akanyorera kuti apihwe marezenisi akaita seakapihwa kuKwese TV.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG