Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeKomisheni Ichaongorora Mhirizhonga yeMuna Nyamavhuvhu Dzinotoreswa Mhiko


VaMnangagwa vanoitisa mhiko umwe wemakomishina

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatoresa mhiko nhengo dzekomisheni yavakadoma kuti iongorore mhirizhonga yakaitika mushure mesarudzo musi wa1 Nyamavhuvhu izvo zvave kuita kuti dzichitanga basa.

Avo ndisachigaro vekomisheni iyi, VaKgalema Monthlante, vaimbove mutungamiriri weSouth Africa vachitora mhiko yekutanga basa nhasi.

Komisheni iyi ine nhengo ina kubva kubva kunze kwenyika nenhatu dzemuno.

Nhengo idzi ndedzinoti, VaRodney Dickson vekuBritaina, VaEmeka Anyaoku vaimbove munyori wesangano reCommonwealth vachibva kuNigeria nevaimboe mukuru wemauto ekuTanzania, VaDavies Mwamunyange.

Vairairidzi vepaUniversity of Zimbabwe Muzvinafundo Lovemore Madhuku naCharity Manyeruke pamwe negweta, Amai Vimbai Nyemba ndidzo nhengo dzekomisheni iyi dzemuno munyika.

Mushure mekugadzwa, nhengo dzi dzabva dzapinda mumusangano paState House pekare nemunyori webazi rezvemutemo, Amai Virginia Mabhiza, uye pataenda pamhepo vange vasati vapedza musangano wavo kuti tivabvunze kuti vachafambisa ongororo yavo sei.

Vanhu vatanhatu vakapfurwa vakafa mumhirizhonga yakaitika musi wa1 Nyayamavhvhu apo vanhu vairatidzira kusafara nezvainge zvabuda musarudzo. Asi huwandu hwavanhu vafa mushure mekupfurwa nemasoja hunonzi hwasvika pavanhu gumi, sezvo vamwe vacho vakafa vachienda kuchipatara

Zvichakadai, mutungamiriri wenyika, vagadzawo VaOwen Ncube segurukota rinoona nezvevasori zvinoreva kuti dare ravo remakurukota rave nenhengo makumi maviri neimwe.

Munyori mumahofisi emutungamiriri wenyika nedare remakurukota, VaMisheck Sibanda, vazivisawo kuti mutungamiriri wenyika vachagadza gurukota reHarare munguva pfupi iri kutevera.

VaMnangagwa vaitawo musangano nemumiriri weBritain ari kusiya basa, Amai Catriona Laing, uye pataenda pamhepo musangao uyu wange uchiri kuenderera mberi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mukuru wezvirongwa zveInternational Commission of Jurists muAfrica, VaArnold Tsunga, vanoti komisheni iyi yakaitirwa kufadza vari kunze kwenyika uye havaoni vanhu vemuZimbabwe vachitambira zvaichabudisa nekuti haina kuitwa nenzira yakanaka uye zviri pachena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG