Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanokurudzira Nhaurirano DzeGukurahundi


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangawa, muhurukuro yavakaita nenhepfenyuro yeZBC nebepanhau reHerald ichaburitswa pazuva rekuwana kuzvitonga kuzere nemusi weChina vakakuridzira vanhu kuti vakurukure vakasungunuka zvakaitika munguva yeGukurahundi.

Izvi zvakaitika pamakore ari pakati pa1983 na 1987 apo mauto eFifth Brigade anonzi akaponda vanhu vanodarika zviuru nakumi maviri kuMatabeleland neMidlands.

Asi mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, vakaudza bepanhau reStandard kuti iyi yainge iri hondo kuchifa vanhu mativi ose.

Hurumende inoti yairwisa vainge vapanduka vari kudivi reZAPU. Asi vanorwira kodzero dzevanhu vanoti pakazongourayiwa vamwe vasina mhaka.

VaMnangagwa vanoti hurukuro yavakaita nemasangano ari pasi pesangano reBulawayo Collective yakazarura maziso avo pazvinhu zvizhinji zvinonetsa vanhu vemumatunhu eMatabeleland.

Vanorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga vanoti hurukuro dzakanaka chose asi vanhu vanofanira kuziva zvakawanikwa muongororo yeChihambabwe Commission kuti vanhu vagoziva pekutangira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Tabatavo vaimbove sineta weZanu-PF, VaBelieve Gaule, avo vaudza Studio 7 kuti vanhu vanofanira kutaura nezvenyaya iyi sezvo vazopihwa mukana nehurumende.

VaGaule vati vanhu vanofanira kutaura nehama dzavo kunzvimbo dzakawirwa nedambudziko iri kuti vataure chokwadi kuti zvinhu zvigadziriswe uye kumisa vanhu varikushandisa Gukurahundi mukutsvaka rutsigiro munezve matongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG