Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanovhura Zviri paMutemo 2018 Agricutural Show


President Emmerson Mnangagwa At Inaguration Zimbabwe Elections
President Emmerson Mnangagwa At Inaguration Zimbabwe Elections

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vavhura Harare Agricultural Show zviri pamutemo vachiti zvirongwa zveCommand Agriculture nePresidential Input Scheme hazvisi zvematongerwo enyika uye hurumende yavo icharamba ichitsigira zvirongwa izvi sezvo zviri kubatsira nyika kuwana chikafau chakakwana.

Vati zvirongwa izvi zvaita kuti nyika iite goho rakawandisa uye hurumende yavo icharamba ichizvitsigira.

Vati kubudira kweCommand Agriculture kwakaita kuti ivandudzwe kusanganisira zvimwe zvirimwa zvakaita segorosi, zvipfuyo zvakaita semombe pamwe nehove.

Vati zvirongwa izvi hazvisi zvematongerwo enyika sezvinotaurwa nemapato anopikisa munyika uye hurumende yavo icharamba ichitsigira chirongwa ichi.

VaMnangagwa vati hurumende yavo inotsigira Harare Agricultural Show pamwe nezvirongwa zvayo zvakaita semusangano wayakaita svondo rino wevarimi nemabhizimisi.

Vati mashoo emamwe matunhu munyika yose anofanira kudzidza kubva kuHarare Agricultural Show uyewo vati vachakurudzira hurumende dzematunhu dzichaumbwa pasi pehurumende kuti dzikoshese zvirongwa zvevarimi.

VaMnangagwa vakurudzirawo makambani akazvimirira kuti atsigire mabasa ekurima kuitira kuti nyika ikwanise kutengesa zvirimwa zvayo kunze sezvayaiita kare.

Mukuru weZimbabwe Agricultural Society, varongi veHarare Agricultural Show, VaNgoni Kudenga, vati chirongwa chavo chakabudira zvikuru gore rino uye huwandu hwevairatidzira zvirimwa hwakakwira nezvikamu gumi nezvina kubva muzana kana zvichienzaniswa negore rapfuura.

Vatiwo ivo nekomiti yavo vari kuzeya pfungwa dzakapihwa nevamwe kuti Harare Agricultural Show isandurwe kuve National Agricultural Show sezvo ichipindwa nevarimi nemakambani kubva mumatunhu ese munyika.

Mutungamiriri weGrain Millers Association, GMA, VaTafadzwa Musarara, vaudza Studio 7 kuti makambani ari musangano ravo ave kutotsigira varimi nechekare.

Pashoo yegore rino GMA ndiyo yapa mubairo wezviuru zviviri nemazana mashanu emadhora kukambani yeGushungo Dairy iyo yatora mubairo wekutanga pachikamu chevarimi vanochengeta mombe.

Zimbabwe Parks and Wildlife Management Authority yatora mubairo wekuita basa rayo zvakanaka.

Mukuru wekambani iyi, VaFulton Mangwanya, vaudza Studio7 kuti vafara chose nekukunda kwavaita.

Kambani yeSeedco ndiyo yawana mubairo wekutanga pamakambani ese airatidzira gore rino kozotiwo Zimbabwe Broadcasting Cooperation ndiyo yawana mubairo pamakambani ese ezvenhau akapinda pashoo yegore rino.

Varimi vahwina mibairo inosanganisira dzimotokari, mari nematirakita.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG