Accessibility links

Breaking News

VaChiwenga naVaMohadi Vanoitwa Vatevedzeri vaVaMnangagwa muZanu PF


ZANU PF Vice Presidents
ZANU PF Vice Presidents

Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vadoma vaimbove mukuru wemauto, VaConstantino Guvheya Chiwenga, semumwe wevatevedzeri wavo mubato re Zanu PF.

Mumwe adomwa kuva mutevedzeri waVaMnangagwa, ndiVa Kembo Mohadi, avo vapinda panyanga vakamirira vanhu vaive nhengo dze PF Zapu pasati paitwa mubatanidzwa weZanu PF ne PF Zapu muna 1987.

VaChiwenga vakaendeswa pamudyandigere nemusi weMuvhuro, VaMnangagwa vachiti vange vakamirira kuvaendesa kunoita rimwe basa.

Kudomwa kwaVa Chiwenga naVaMohadi sevatevedzeri waVa Mnangagwa, kwava kureva kuti VaChiwenga naVaMohadi vachange vave vatevedzeri vemutungamiri wenyika muhurumende.

Vakawanda vanoona kudomwa kwaVaChiwenga senzira yatorwa naVaMnangagwa yekutenda VaChiwenga pabasa guru ravakaita rekutungamira mauto kuti abvise vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro.

VaChiwenga nevamwe vavo muchiuto ndivo vakaita kuti VaMnangagwa vakwanise kudzokera munyika mushure mekunge vambopotera kuSouth Africa zvichitevera kudzingwa kwavo muhurumende naVaMugabe.

Kudomwa kwaVaChiwenga naVaMohadi kwaziviswa nemunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaGeorge Charamba, avo vanotaura zvakare vakamirira VaMnangagwa semutungamiri wenyika.

Izvi zvashamisa vanhu vakawanda sezvo VaCharamba vasiri mutauriri weZanu PF.

Mashoko aya anga achifanirwa kuziviswa naVaSimon Khaya Moyo, vanova mutauriri weZanu PF.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaKhaya Moyo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG