Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vashanyira dzimba dzemuturikidzwa dzeMatapi Flats dziri mumusha weMbare, kunozvionera voga basa rekugadziridza dzimba idzi riri kuitwa nekanzuru yeHarare ichibatsirwa nehurumende pamwe nekambani yeFGC Zimbabwe.
Basa riri kuitwa padzimba idzi rinonzi rinosanganisira rekupenda kunze nemukati, kugadzira pombi dzinotakura tsvina pamwe nepombi dzemvura. Magonhi nemafafitera zvakafa zvinonzi zviri kugadzirwawo.
VaMnangagwa vanonzi vati vafadzwa zvikuru nebasa riri kuitwa iri, sezvo dzimba idzi dzanga dzaparara zvisina kufanira kuti dzigarwe nevanhu pakatariswa zvehutano.
Asi mukuru werimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Association, Amai Loreen Mupasiri, vanoti kunyange hazvo riri danho rakanaka rekugadzirisa dzimba idzi, zvakanga zvakakosha kuti kugadziriswa uku kutangire mukati sezvo muri imo mune hutano hwevanhu.
Facebook Forum