Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vari muUganda kuMabiko eKugadzwa kwaVaMuseveni paNyanga


VaYoweri Museveni
VaYoweri Museveni

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakasimuka nezuro vakananga kuUganda kumabiko ekugadzwa kwemutungamiri wenyika iyi, VaYoweri Kaguta Museveni, avo vari kugadzwa nhasi kumabiko ari kuitirwa kuKololo Independence Grounds.

Vatungamiri venyika makumi maviri neimwe vari kutarisirwa kunge vari pamabiko aya. VaMnangagwa vakaperekedzwa negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava.

VaMuseveni vakakunda musarudzo dzakaitwa muna Ndira wegore rino, idzo dzine zvakabuda zvaipikiswa nevavaikwikwidzana navo, Va Robert Kyagulanyi Ssentamu avo vanonyanyozivikanwa nerekuti Bobi Wine, vachiti sarudzo dzakabirwa zvemhando yepamusoro uye dzakakanganiswa nemhirizhonga.

VaMuseveni vatonga Uganda kubva muna 1986 kusvika pari nhasi.

Gweta rinoongorora zvematongerwo enyika uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti VaMnangagwa vari kunyanya kufamba izvo vanoti zvinopedza mari yenyika.

VaMavhinga vanoti VaMnangagwa vaikwanisa kungomirirwa nemumiriri weZimbabwe kuUganda ikoko.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, Doctor Simba Mavaza, vanoti hapana chakaipa pakuenda kwaVaMnangagwa kuUganda, kunze kwekuti kune vamwe vanongoshoropodza zvose zvaitwa nemutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG