Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero Voendesa Hurumende yaVaMnangagwa kuMatare


Lynda Masarira
Lynda Masarira

Muzvare Linda Masarira nevamwe vavo vanorwira kodzero dzevanhu, VaBongani Nyathi naVaVusimusi Sibanda, vakwira kudare reConstitutional Court vachida kuti dare iri ripe mutongo wekuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa haisi pamutemo.

Vachitaura neStudio7 mushure mekukwidza nyaya yavo kudare, Muzvara Masarira vakamirira sangano reRevolutionary Freedom Fighters, VaSibanda vesangano reLiberal Democracts naVaNyathi, vati bumbiro remitemo yenyika rakatyorwa nekupindira kwakaita mauto.

Muzvare Masarira vati vanoda kuti dare ripe mutongo wekuti bumbiro remutemo wenyika ritevedzwe.

VaSibanda vatiwo vanodawo kuti dare riise parutivi mutongo wakaitwa nedare repamusoro gore rapfuura wekuti zvainge zvaitwa nemauto zvaive pamutemo.

Pavabvunzwa kuti vari kuda here kudzora hurumende yaVaMugabe nenyaya yavo iyi, VaSibanda vati kwete asi kuti vanoda kuti patevedzwe mutemo chete.

Vatatu ava vaenda kudare vakazvimirira vachiti magweta akawanda akaramba kuvamirira panyaya iyi, vamwe vacho vachida mari dzakawandisisa.

Vati magweta mashomanana ainge abvuma kuita nyaya yavo aida kuti vabvise mari yekutanga kana kuti Deposit inodarika zviuru makumi maviri zvemadhora.

Gore rapfuura mauto akabvisa vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro nechisimba pachibva pazopinda VaMnangagwa.

Munei mune imwewo nyaya, mutongi wedare repamusoro, Justice Clement Phiri, vapa mutongo unorambidza vashandi veZESA kuratidzira kudzamara nyaya yavo neZESA iri kudare reSupreme Court yanzikwa.

Gweta reZESA, VaTaona Sibanda, vabvuma kuti mutongo uyu wapihwa mushure mekubvumirana kwavo nemagweta evashandi.

VaSibanda vatiwo mutongo uyu unorambidzawo mapurisa eZimbabwe Republic Police kupa vashandi veZESA mvumo yekuratidzira kudzamara nyaya iri kuSupreme Court yapera.

Vashandi veZESA vaida kuratidzira pamusoro pehuwori huri kuitwa nevakuru vakuru mukambani iyi pamwe nekusawedzerwa mari dzawo dzemihoro kubva muna 2012 kusvika pari zvino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG