Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoramba Hurongwa hweveMakereke hweKumbosendeka Sarudzo


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa vanonzi vakaramba kurudziro yekuti nyika imbosendeka sarudzo kwemakore manomwe.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa vanonzi vakaramba kurudziro yekuti nyika imbosendeka sarudzo kwemakore manomwe.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vakaramba kurudziro yesangano revatungamiri vemakereke, reZimbabwe Heads of Christian Denominations, yekuti sarudzo dzimbosendekwa kwemakore manomwe.

Bepanhau reSunday Mail rinoti VaMnangagwa vakatenda zvikuru hurongwa hwevemakereke uhwu, asi vakatsinhira kuti pfungwa dzese dzinofanirwa kunge dzichienderana nebumbiro remitemo yenyika, rinove ravanoti rinotungamira hofisi yavo.

Vatungamiri vemakereke ava vakanga vabuda nekurudziro yekumbosendeka sarudzo parutivi iyi vachiti zvinopa nyika mukana wekuzvivaka pastsva, kupa vimbo pamwe nekumutsiridza hupfumi hwenyika pasina kukanganiswa nezvematongerwo enyika.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Heads of Christian Denominations, Reverend Doctor Kenneth Mtata vatenda kuti vakatambira mhinduro yakabva kumutungamiri wenyika.

Asi vanoti vanoda nguva yekuti vambotanga vagara pasi sehutusangano vachizeya mhinduro yemutungamiri wenyika iyi. Vanotiwo havasati vawana mhinduro kubva kumutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, asi vatotanga nhaurirano nehumiriri hweveruzhinji.

Hurukuro naReverend Doctor Kenneth Mtata
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG