Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neChitatu vakaudza nyika kuti hupfumi hwenyika huri kugadzikana kuburikidza nekupindira kwehurumende yavo, kunyange hazvo nyika iri pasi pezvirango, kusina kunaya zvakanaka uye kuine chirwere che Covid-19.
Vachitaura kumusangano wePolitiburo yebato ravo kumuzinda weZanu PF, VaMnangagwa vakati kuburikidza nekupindira kwehurumende uku dhora remunyika rave kugadzikana kana richienzaniswa nemari yekunze, uye mitengo yezvinhu yagadzikanawo.
Vakati nekuda kwehurongwa hwavo uhwu mamwe mapoka ezvehupfumi akatotanga kuwanisa vanhu mabasa, uye NASSA yakazivisa kuti kusvika pari zvino mabasa anodarika zviuru mazana maviri negumi nezvina akatovhurika kunyanga hazvo nyika iine zvimhingamipinyi zviri pamusoro izvo.
Asi nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano re Labour and Economic Development Research Institute, Doctor Prosper Chitambara, vanoti vanowirirana nemaonero ekuti mitengo yezvinhu yakaderera mumwedzi waNyamavhuvhu, kunyenga hazvo kukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation ichakakwira, izvo zvinokanganisa kufamba kwemabhizimusi.
Facebook Forum