Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanotambirwa seMutungamiri Mutsva weZanu PF


VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vatambirwa semutungamiri weZanu PF vakapinda munhoroondo yekuva munhu wekutanga kutora masimba ebato zvichitevera kusiyiswa basa kwakaitwa VaRobert Mugabe mwedzi wapera.

VaMugabe, avo vakaitwa mutungamiri webato iri pakongiresi yakaitirwa kuMozambique muna 1977, ndivo chete vanga vari mutungamiri webato iri kudzamara vabviswa nemauto muna Mbudzi.

VaMnangagwa vatambirwa zvakare kuti vave munhu achamirira Zanu PF musarudzo yemutungamiri wenyika gore rinouya.

VaMnangagwa vavimbisa nyika kuti vachashanda vachiremekedza kodzero dzemunhu wese, kusanganisira kodzero dzengochani.

VaMnangagwa vadomawo vanyori vavachashanda navo muZanu PF. Va Obert Mpofu ndivo vava munyori anoona nezvemabasa muZanu PF, basa ranga richiitwa naVa Ignatius Chombo, avo vadzingwa mubato zviri pamutemo.

Munyori wezvemitemo aitwa VaPaul Mangwana, ukuwo Amai Oppah Muchinguri Kashiri ndivo vaitwa sachigaro webato.

Vakawanda vanga vachitarisira kuti Amai Muchinguri Kashiri vachaitwa mumwe wevatevedzeri vemutungamiri waVaMnangagwa.

VaMnangagwa vati vachidoma vatevedzeri vavo munguva pfupi inotevera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG