Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokurudzirwa Kuferefeta Zvakaitika pa$15 Billion yeMangoda Yakatsakatika


An employee of a bank counts US dollar notes at a branch in Hanoi, Vietnam May 16, 2016.
An employee of a bank counts US dollar notes at a branch in Hanoi, Vietnam May 16, 2016.

Vanhu vakawanda munyika vanoti mutungamiri mutsva, VaEmmerson Mnangagwa, vanofanirwa kuzadzisa mashoko avo ekurwisa huori munyika kuburikidza nokuona kuti mari inonzi inosvika mabhiriyoni gumi nemashanu emadhora yakatsakatika kumangoda ekwaChiyadzwa.

Mumwe wevanhu vari kuda kuti nyaya iyi iburitswe pachena, Amai Sungano Zvarebgwanashe, vanoti hurumende yaVaMnangagwa inofanirwa kuferefeta zvose zvine huori pasi pehutongi hwaVaMugabe, sezvo VaMugabe pachavo vakakundikana kusungisa vanhu vakaita kuti mari yakawanda kudai itsakatike.

VaZivai Chaendera vanotiwo VaMnangagwa vanofanira kutsinhira mashoko avo ekurwisa nekubvisa huori munyika nekutanga kuferefeta nyaya dzakaitika kare uye vaipara mhosva vachisungwa zvisina rusarura.

Asi vamwe vanoti zvinonetsa kuti VaMnangagwa vaongorore nyaya iyi nekuti vari kupomerwawo mhosva yekuti ruoko rwavo rwuripowo panyaya iyi.

Aya mashoko akambobudiswa neaiva mukuru wevechidiki muZanu PF, VaKudzanai Chipanga, avo vakati vakuru vemauto pamwe naVaMnangagwa ndivo vakatora mari iyi.

VaChipanaga vakatosungwa uye vari kumirira kutongwa vari mujeri.

Asi VaTimitia Dziva vekwa Neshuro kuMwenezi vanoti VaMnangagwa vanofanira kuchenesa zita ravo nekuferefeta nyaya iyi vanhu voziva zvakaitika pamari iyi.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaMnangagwa kana mutauriri wemauto kuti vatipewo maonereo panyaya iyi.

Asi nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvwmigodhi munyika, Muzvare Thabhita Khumalo, vanotiwo VaMnangagwa vanofanirwa kuona kuti nyaya iyi yaferefetwa nechimbi chimbi, vakapara mhosva vosungwa.

Muzvare Khumalo vaudza Studio 7 parunhare kuti komiti yavo ichiri kunetseka nekuwana mhinduro kubva kubhazi rezvemigodhi kuti mari yakafamba sei kubva zvakataurwa naVaMugabe kuti haisi kuowonekwa, nokudaro vanoti VaMnangagwa zvakavati vanoda kubvisa huori munyika, ngavachitanga nekutsvaka kwakaenda mari yemangoda iyi.

Nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu, uye vari mukuru weCenter for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti VaMnangagwa vanofanira kutsvaga kwakaenda mari iyi kuitira kuti iwanikwe yobatsira kusimudzira nyika.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti mari inonzi yakatsakatika iyi yakawanda zvikuru zvekuinifambisa mabasa ose ehurumende kwemakore mana pachitariswa bhajeti rehurumende pagore rega rega.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG