Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Vakatambirwa Zvakanaka neNyika dzeKunze


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemusi vaita neChitatu musangano webato ravo wePolitburo muHarare mushure mekudzoka kubva kumusangano weAfrican Union, AU, kuAddis Ababa, Ethiopia.

Mutauriri webato reZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vaudza Studio7 kuti musangano uyu wange uchikurukura nezvenzendo dzaVaMnangagwa, nyaya yemitengo wezvinhu uye mamiriro akaita zvinhu muminda.

VaKhaya Moyo havana kutaura zvakawanda vachiti musangano wavo wanga uchiri kuenderera mberi.

Vamwe vapinda mumusangano uyu vaudza Studio7 kuti VaMnangagwa vati vakatambirwa zvakanaka kuAU nekuDavos, Switzerland kumusangano weWorld Economic Forum.

Vakatiwo vatungamiri vedzimwe nyika vakatambira kubviswa kwevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pachigaro murunyararo.

VaMnangagwa vanonzi vatiwo kudyidzana neBritain nedzimwe nyika kunenge kwave nani.

Panyaya yemitengo yezvinhu, mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Retired General Constantino Chiwenga, vatura kudare nezveongororo yavange vachiita yekukwira kwemitengo yezvinhu.

VaChiwenga vakasarudzwa nedare iri kuti vave sachigaro wekomiti inoona nezvemitengo uye vange vachisangana muchiwande nevakuru vemabhizimisi vachivati vadzikise mitengo yezvinhu.

Gurukota rinoona nezvekurima, Retired Air Chief Marshal Perrance Shiri, vataurawo nezvemamiriro ezvirimwa sezvo mvura isiri kunaya zvakanaka.

Politburo yazeyawo nyaya dzegadziriro yesarudzo uye izvi zvange zvichitaurwa nevamwe vanosanganisira vanoona nezvegwara remusangano, Retired Lieutenant General Engelbert Rugeje, uye sachigaro webato, Amai Oppah Muchinguri Kashiri.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa paMulungushi University kuZambia, VaShakespear Hamauswa, vanoti VaMnangagwa vanogona kuti vakatambirwa zvakanaka asi venyika dzakabudirira vanoda kuona shanduko munyaya dzezvekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu vasati vatanga kudyidzana neZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG