Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voita Pfungwa Dzinopesana paRwendo rwaVaMnangagwa kuSouth Africa


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi pamwe nedzematongerwo enyika dzinoti rwendo rwava Emerson Mnangagwa kuSouth Africa haruna zvarunochinja pamamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi.

Dzimwe nyanzvi dzinotiwo VaMnangagwa hapana chavangachinja nekuti vange vari nhengo yehurumende yakakanganisa hupfumi hwenyika kwemakore makumi matatu nemanomwe.

Asi vamwe vanotiwo VaMnangagwa vanofanira kupiwa nguva yekuti vagadzirise zviri kunetsa munyika.

Mukuru wezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Mbofana, vanoti hapana chekutarisira chinobva murwendo urwu.

Izvi zvinopikiswa nemukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, avo vanoti VaMnangagwa vanofanira kupiwa nguva yekugadzirisa zvinhu.

Hurukuro naVaTendai Mbofana naDr Godfrey Kanyenze
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG