Accessibility links

Breaking News

Ndiyani Achatora Mukombe weCastle Premier Soccer League Pakati peCaps ne FC Platinum


Mhemberero yekutora mukombe weligi yanga yakarongwa nevatsigiri veCaps United yambomiswa kwete nekuda kwavo.

Kunyange hazvo Caps United neMugovera yakarova Ngezi Platinum Stars 1-0, mhemberero yavo yakakanganiswa neFC Platinum iyo yakadambura Highlanders 3-0 ndokuramba ichikwikwidza nemaGreen Machine pamukombe weCastle Lager Premier Soccer League.

MaGreen Machine aitarisira kutora mukombe nekurova Ngezi Platinum Stars, vachitarisirawo panguva imwecheteyo kuti FC Platinum yaiita mangange kana kurohwa neHighlanders, izvo zvakaramba kuitika.

Kwasara mutambo mumwe chete, zvikwata zviviri izvi zvasiyana nemaponzi maviri chete, Caps United iine mapoinzi makumi matanhanhu, FC Platinum ichitevera nemaponzi makumi mashanu nemasere.

Makundano aya ari kupera svondo rino apo Caps United iri kusangana neChapungu kuAscot Stadium panguva imwecheteyo Kugona Kunenge Kudada iri kutamba neTsholotsho Pirates kuLuveve.

Mitambo iyi yakaoma zvikuru sezvo Chapungu neTsholotsho Pirates dziri kurwira kuramba dziri muPremier Soccer League mwaka unotevera.

Murairidzi weNgezi Platinum Stars Tonderayi Ndiraya anoti makundano aya asvika pakaoma asi semaonero ake, Caps United iri pamberi zvishoma mukuenda mumitambo wekupedzisira.

Mutambi weCaps United Ronald Pfumbidzai anoti mumitambo yekugumisira iyi havasi kuzotarisa kuti FC Platinum yatamba sei asi vachaona kuti vaita zvavanotarisirwa zvekurova Chapungu.

Mumwe mutambi wemaKepekepe Phineas Bamusi anoti mukombe uri mumaoko avo asi vanofanira kuurwira zvakasimba.

Mimwe mitambo yemuPSL yakapera seizvi….

Triangle 0 Dynamos 1

Tsholotso 1 Byo City 2

Mutare City 2 Harare City 2

Chicken Inn 1 Border Strikers 0

Hwange 0 Chapungu 0

ZPC Kariba 0 How Mine 0

Mighty Warriors

Chikwata chenyika chevanhukadzi chemaMighty Warriors chakatanga makundano acho eAfrica Women’s Cup of Nations zvakanaka mushure mekuita mangange 0-0 neSouth Africa.

MaMighty Warriors anofanira kukunda Egypt nemusi weChipiri kuti vasimbise mukana wavo wekusvika muma semi fainari emakundano aya.

Mutambo weZimbabwe wekugumisira mugungano iri uriko musi weChishanu neCameroon.

Sachigaro weCAPS Omiswa Basa

Mune imwewo nyaya. VeZIFA vamisa basa sachigaro weCaps United VaLewis Uriri avo vari kupomerwa mhosva yekushevedzera musangano wezvikwata zvePSL usina kutenderwa neveZifa.

VaUriri vanonzi vakashevedzera musangano uyu musi wa 29 Gumiguru apo vanonzi vakafurira zvikwata zvenhabvu yepamusoro izvi kuramba chisungo cheZIFA Assembly chekuti muPSL mubude zvikwata zvina.

Gwaro rakabva kuZifa rinoti kutanga nemusi weMuvhuro uno VaUriri havachatenderwi kuve nechekuitita nezvemutambo wenhabvu muZimbabwe.

Studio Seven haina kukwanisa kunzwa kuna VaUriri kuti vanoti chii nezvenyaya iyi.

Svondo rapera, veZifa vakamisa basa sachigaro wePSL VaPeter Dube pamwe naChief Executive Officer weHighlanders VaNdumiso Gumede vachipomerwa mhosva dzakasiyana siyana.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG