Accessibility links

Breaking News

Mitambo yePremier Soccer League Yopinda Muvhiki reChinomwe Dynamos Ichinzi Isaite Mhirizhonga


Dynamos
Dynamos

Mhuri yenhabvu irikutarisira mitambo isina mhirizhonga apo makwikwi eCastle Lager Premier Soccer League ari kupinda musvondo rechinomwe.

Mhuri yenhabvu munyika haisati yakanganwa mhirizhonga yakaitika svondo rapera apo vatsigiri veDynamos vakamuka chibhebhenenga mushure mekunge chikwata chavo chadamburwa 1-0 neFC Platinum vachitarisira kuti izvi hazvidzokororwe apo chikwata ichi chakananga kuBulawayo kunosangana neTsholotsho Pirates.

Makwikwi eCastle Lager Premier Soccer League arikupinda musvondo rechinomwe apo Dynamos yacho iripachinhanho chakaoma chegumi neshanu asi mumwe mutsigiri Dembare VaShepard Manatsa vanoti vamwe vavo vanofanira kubvuma kukundwa kana izvi zvaitika.

Asi VaManatsa vanoti chishuwiro chavo nedechekuti vakunde Tsholotsho Pirates kuitira kuti varambe vari muhondo yekukwikwidza kutora mukombe uyu uyo vakatorerwa neChicken Inn gore rapera.

Asi vanoongorora zvemutambo wenhabvu vanoti zvirikutarisirwa naVaManatsa angangove maroto sezvo chikwata chavo chiri kutatarika.

Dynamos ikakundwa, inosaririra zvikuru pazvikwata zviri kutungamira sezvo FC Platinum iyo iripamusoro soro isiri kutemwa nemusoro nekuti irikusangana neBorder Strikers iyo isina kana poindi imwechete kana chibodzwa zvacho pamitambo mitanhatu yavatamba.

Muteveri weFC Platinum VaTerrence Kuhuni vanoti varikufara zvikuru nematambiro arikuita chikwata chavo vachiti ivo vakatarisa zvimwe zvikwata varikuona kunge FC Platinumn iri pamberi mberi zvinotyisa.

VaKuhuni vanoti havasi kumbotarisa zvemutambo weBorder Starikers vachiti ivo vakatokunda kare.

Asi kugona kunenge Kudada haifanire kudherera Border Strikers sezvo zvikwata zvinenge zviri pakaoma kudai zvinowanzoita mashiripiti anenge asingatarisirwe neveruzhinji.

FC Platinum ikakundwa inenge yapa mukana kuHighlanders iyo iripamusha neHarare City.

Vemumusha weHarare City varikuzhamba sezvirikuitawo veDynamos zvekuti svondo rapera vaishevedzera kuti murairidzi wavo VaTaurayi Mangwiro vanofanira kusiiswa basa.

Izvi zvakaramba kutambirwa nevanoisa mari kuchikwata ichi vekanzuru yeHarare, vatsigiri ava vave kushevedzera kuti chikwata chavo chinofanira kukunda. Mumwe wavo vari kuti Harare City inofanira kukunda ndiVaLawrence Chapata avo varikuchemera mapoinzi matatu.

Chikwata chiri pachinhanho chechitatu cheCaps United chiri pamusha asi kwete muNational Sports Stadium. Chiri kunotambira kuRufaro Stadium sezvo nhandare yeNational Sports Stadium yakachengeterwa mutambo uripo pakati pemaYoung Warriors nemaUnder 20 eCameroon nesvondo.

MaGreen Machine akadamburwa mumutambo wavo wesvondo rapera 2-1 neHow Mine asi murairidzi wavo VaLloyd Chitembwe vanoti mutambo uyo yatove mvura yakaerera. Mumwe mutambo uripo ne Svondo uri pakati peChapungu neNgezi Platinum Stars

Mitambo yese ye muHarare iri kutambwa neMugovera kupa mukana kumutambo wemaYoung Warriors nemaCameroon Cups we2017 Africa Youth Championships.

Asi mune mamwe maguta, neSvondo mitambo iri ko ndeiyi. Mutare City Rovers ne Chicken Inn (Sakubva), Hwange ne How Mine (Colliery) and Highlanders v Harare City (Barbourfields)

Nhengo yeWarriors Fan Club VaTendai Dzuwa vanoti veruzhinji vanofanira kuenda kuNational Sports Stadium kunokuza maYoung Warriors kuti akunde mumutambo wakakosha uyu.

Chikwata chichakunda mumitambo miviri chichasangana neicho chichakundawo pamutambo weLibya neBenin munzira yekuenda kuma 2017 Africa Under 20 Championships.

Makwikwi emuAfrica aya achaitirwa muZambia munaKubvumbi gore rinouya.

Totarisa mutambo wekiriketi

Masemi fainari e 2016 Associate Provincial League ari kubaka moto kuMasvingo neBindura apo zvikwat zvina zvasara mumakwikwi aya zvirikubandana.

Chikwata cheSouthern Rocks chirikusangana neWestern Tigers kuMasvindo panguva imwecheteyo Centrals irikuratidzana masimba nePower Turbines kuBindura.

Zvikwata zvichakunda mumitambo iyi zvirikusangana mufainari musi wa 28 Chivabvu.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG