Chikwata cheDynamos nemusi weChina chakadzinga murairidzi wacho, Joerge Paulo Silva, zvichitevera kusatamba zvakanaka kwange kuchiita chikwata ichi mumitambo yeCastle Lager Premier League.
Mutungamiri wechikwata ichi VaKenny Mubaiwa vaudza Studio7 kuti vakadzinga Silva masikati mushure mekutadza basa kwaange achiita.
VaMubaiwa vazivisa kuti aive mutevedzeri waSilva, Llyod Mutasa, ndiye achange achirairidza chikwata ichi pari zvino pasati pagadzwa murairidzi mutsva.
Mutasa acharairidza chikwata ichi pamutambo wacho we Castle Larger Premier Soccer League nechikwata che FC Platinum uchatambirwa kuRufaro neSvondo.
"Tawona kuti chikwata chedu change chichiramba chichikundwa uye kuti VaSilva vange vasiri kugona basa saka tati vaende zvavo kuitira kuti tichitanga pasi pemumwe murairidzi anokwanisa basa," VaMubaiwa vaudza Studio 7.
Silva, uyo anobva kuPortugal akatanga basa kutanga kwegore rino asi akakwanisa kukunda pamutambo mumwe chete apo chikwata chake chakakunda Mutare City 2-1.
Vatsigiri veDembare vanonzi vakatsvamwiswa zvikuru nematambiro ange achiita chikwata chavo pasi paSilva nyanya kukundwa kwachakaitwa ne Caps United 1-0 paneumwe mutambo mwaka uno.