Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 27, 2017


Misoro yeNhau

Vakuru vedzisvondo vanoparura chirongwa chinokurudzira vanopinda chechi kunovhotera mutungamiri wenyika anoremekedza kodzero dzevanhu musarudzo dzegore rinouya.

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu rinobatsira vadzidzi vakadzingwa mudzimba pachikoro chepamusoro soro cheUniversity of Zimbabwe kuendesa vakuru vepachikoro ichi kumatare richiti vadzidzi ava vadzokere mudzimba dzavanga vachigara dzavakaburitswa nechisimba nezuro

Zimbabwe inobhana huku dzeku South Africa zvichitevera kubuda kwechirwere che Avian flu mhiri kwaLimpopo

Vanogadzira mafuta ekubikisa vanoti mutemo unorambidza kutengwa kwemafuta ekubikisa kunze kwenyika uri kuvabatsira zvikuru.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana nevadzidzi vepaUniversity of Zimbabwe zvichitevera kudzingwa kwavakaitwa mudzimba dzepachikoro ichi nezuro

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG