Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri Ndira 03, 2017


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Meya weguta reHarare VaBernard Manyenyeni vanoti havasati vapirwa nyaya yekuti vanofanira kutumira mazita evanhu vanotora chigaro chemunyori weguta Ndira asati apera sezviri kutaurwa negurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere.

Nhasi tiri kutarisa chirongwa checommand agriculture kuti chinoshanda here mukumutsiridza hupfumi hwenyika.

National Aids Council inoti nyaya yekuda kuvarairwa mukurwisa chirwere cheHIV/AIDS inogona kudzosera kumashure nyaya yekurwisa denda iri.

MDC inoti mutungamiri wayo VaMorgan Tsvangirai ndivo chete vanofanira kutaura nyaya yemubatanidzwa.

Vabereki vogunun’una nenyaya yekumanikidzwa kutenga mayunifomu anodhura kubva kuzvikoro.

Vanorwira kodzero dzemhuka vofarira danho reChina rekuda kumisa kutengeswa kwenyanga dzenzou nezvipembere.

Nhasi muchirongwa chedu cheLiveTalk Youth Forum, tiri kutaura nezvemafungiro evechidiki munyaya dzezvematongerwo enyika apo nyika yatarisana nesarudzo gore rinouya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 13860. 15460 ne 4930 Kilohertz.....

Misoro yeNhau, Chipiri Ndira 03, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG