Vana vemurwiri wekodzero dzevanhu akapambwa mwedzi gumi neminomwe yapfuura VaItai Dzamara nevamwe vana vadiki nhasi vabatana mukuratidzira muAfrica Unity Square vachirangarira kupambwa kwake.
KuBulawayo, Amai Jenni Williams nevamwe veWomen of Zimbabwe Arise vomiswa pamberi pedare.
Ukuwo muHarare, Amai Linda Masarira vomiswa pamberi pedare asi vachinyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Varairidzi vekumamisha voratidzira nenyaya yemhirizhonga yezvematongerwo enyika.
Tichakupai zviri kubuda kubva kumitambo yemaOlympics yeRio 2016.
Muchirongwa cheLivetalk na8.30 pm tiri kutarisa nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika tichitarisa kupambwa kwaVaItai Dzamara uye kusungwa kwemadzimai eWOZA nevamwe.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 kilohertz pa Short Wave.