Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vopinda mumusangano we SADC Troika kuBotswana vachizeya matambudziko ari muLesotho asi pasina nyaya yeZimbabwe iri mudariro.
Vamiriri vevashandi vehurumende vanoti vave kuzeya kuti votambira zana remadhora here kana kuti kwete vakamirira mihoro yavo iyo iri kunonoka kuuya.
Vasungwa nevakange vari vasungwa vanosvika gumi nevatanhatu vepajeri rekuBanket avo vakaita zvidzidzo zvekurima fodya vopihwa zvitupa zvekurima.
Tichakuparurirai zviri kubuda kumusangano weAIDS Clinical Trials Group uri kuitirwa muno muWashington DC.
Muchirongwa cheThe Connection na8.30 pm tiri kutarisa nezvekuratidzira kuri kuitwa nevechidiki vachiti havasi kufara nematongerwo ari kuitwa nyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShort wave.