WASHINGTON —
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanofora pamwe chete neveruzhinji muhurongwa hwekurangarira murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika gore rapera, VaItai Dzamara…
Hurumende yoronga kudzikisa bhajeti revashandi vayo kusvika pazvikamu makumi mashanu nezviviri kubva muzana zvebhajeti rose rehurumende senzira yekukwezva IMF kuti ibatsire Zimbabwe nemari…..
Mubati wepagedhi akaita mukurumbira munyika, Japhet “Short Cat” Muparutsa, oburitsa bhuku rinotaura nezvehupenyu hwake…..
Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa kusvitsa gore kwaitwa naVaItai Dzamara kubva zvavapambwa vachibva vatsakatika….
Vanoda kutumira mashoko kuStudio7 vachishandisa whats app, tumirai panhamba dzinoti + 1 202 465 0318