Accessibility links

Breaking News

Misa Zimbabwe Inoshora Zvikuru Kutyorwa kweKodzero dzeVatori veNhau


Vatori venhau vave kunyanya kuvhiringwa vachiita basa

Sangano rinomirira kodzero dzevatori venhau, reMisa Zimbabwe, rashora zvikuru kutyorwa kwaitwa kodzero dzevatori venhau richiti zvinotyisa kuti zvinhu zvakadai zvinogona kuitwa masikati machena munyika ine rusununguko pasina chinoitwa kuvanhu vanenge vapara mhosva.

Mukuru weMISA Zimbabwe, VaTabani Moyo, vaudza Studio7 kuti mapurisa emuZimbabwe anofanirwa kuratidza pachena kuti haadi kuona vanhu vachityora mitemo yenyika kubudikidza nekusunga vanenge vapara mhosva.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Inspector Paul Nyathi, havana kubatika kuti tnzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi VaMoyo vati vachasvitsa nyaya iyi kugurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG