Accessibility links

Breaking News

Vanomirira Kodzero dzeVatori veNhau Voshushikana neMutemo Mutsva Wakasainwa naVaMnangagwa


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vakasaina kuti uve mutemo bhiri reZimbabwe Media Commssion (ZMC), iro rakanangana nekuvandudzwa kwemutemo weAccess to Information and Protection to Privacy Act, AIPPA.

Izvi zvakaziviswa nemunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana kuburikidza nemashoko avakaisa padandemutande reTwitter, avo vakati vari kufadzwa zvikuru nekuvepo kwemutemo weZimbabwe Media Commssion Act uyu.

Asi mukuru wesangano reMedia Institute of Southern Africa (MISA) Zimbabwe, VaTabani Moyo, vanoti kunyange hazvo bhiri iri rave mutemo, hauna zvinotarisirwa zvinobata kutongwa kwevatori venhau, izvo zvavanoti vanotarisira kuti zviri mune mubhiri risati rave mutemo re Media Practitioners Bill.

Asi VaMoyo vanoti mutemo weZimbabwe Media Commission Act uyu wadzosa nhaurwa dzinoita nezvekuti vashandise mapurisa mukubata vanenge vachifungirwa kuti vari kuvhiiringidza kodzero dzekutapwa kwenhau.

Ngatinzweyi hurukuro yavaita naJonga Kandemiiri weStudio7

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG