Accessibility links

Breaking News

Misa Zimbabwe Yomirira Kunzwa kuHurumende Pamire Vatori veNhau paHorongwa hweKubayiwa Nhomba yeCovid-19


Mushonga weCOVID-19, we Sinopharm, uchisvika muZimbabwe

Sangano rinomirira vatori venhau, reMedia Institute of Southern Africa - Zimbabwe, Misa Zimbabwe, rinoti rakamirira kunzwa kubva kuhurumende mushure mekuendesa chichemo charo kuhurumende richiikurudzira kuti vatori venhau vave vamwe vevashandi vanokosha vachatanga kubaiwa mushonga wenhomba we Covid-19.

Mushonga uyu wakapinda munyika neMuvhuro uchibva kuChina.

Hurumende yakagara yatara vatori venhau sevashandi vanokosha, ikavabvumidza kushanda panguva iyo vamwe vashandi vainzi vagare mudzimba panguva yekurwisana nekupararira kwchirwere cheCovid-19.

Mukuru weMisa Zimbabwe, VaTabani Moyo, vaudza Studio 7 kuti vatori venhau ndevamwe vevashandi vari mberi mukurwisa chirwere cheCovid-19, nokudaro vanofanirwa kupiwa zvikwanisiro zvekuzvidzivirira pavanenge vachiita basa ravo.

Hurumende yakazivisa kuti vanhu vachatanga kupihwa nhomba iyi vanhu vanoshanda muzvipatara nemakiriniki, pamwe nemamwe mapazi ehurumende anosangana neveruzhinji.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubazi rezvekuburitswa kwemashoko kuti nyaya yevatori venhau yava papi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG