Sangano reMedia Institute of Southern Africa, MISA, ratumira chikwata chenhume dzinobva kunyika dzakasiyanasiyana kuZambia kunoongorora sarudzo dzichaitwa munyika iyi musi wa 12 Nyamavhuvhu, unove musi weChina svondo rino.
Chikwata ichi chichange chichitungamirirwa nasachigaro veMISA mudunhu rekuchamhembe kweAfrica uye vari ivo zvakare sachigaro veMISA-Zimbabwe, VaGolden Maunganidze, vachitsigirwa nenhume dzinobva kuTanzania, Mozambique pamwe neMalawi.
Mukuru weMISA-Zimbabwe, VaTabani Moyo, vanoti chikwata ichi chichange chichiongorora mafambisirwo esarudzo chakanangana nekufambiswa kwemashoko pamwe nekushanda kwevanofambisa mashoko kwakasununguka.
VaMoyo vanoti zvinenge zvaunganidzwa nenhume dzeMISA idzi zvinozosvitswa kumasangano anoti reAfrican Commission, reSouthern African Development Community (SADC), reAfrican Union pamwe nereUnited Nations.
Facebook Forum