Accessibility links

Breaking News

Bazi rezveKugara Kwakanaka kweVanhu Rinoti Vakaremara Vari Kubatsirwa muNguva Ino yeCovid-19 Lockdown


Gurukota rezvemabasa, vashandi nekugara kwakanaka kwevanhu, Muzvinafundo Paul Mavhima

Gurukota rezvemabasa, vashandi nekugara zvakanaka kwevanhu, Muzvinafundo Paul Mavima, vanoti bazi ravo riri kubatsira vakaremara vakarasikirwa nemihoro munguva ino yemutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu, kana kuti lockdown, kuburikidza nechirongwa chavakaparura chakanangana nekubatsira vanotambura.

Vachitaura neStudio 7 vari kuCongo Brazzaville, uko vari kumusangano wechinomwe webudiriro mudunhu reAfrica, kana kuti "Africa Regional Forum on Sustainable Development", uyo wakapetwa nemusi weChina, Professor Mavima vanoti bazi ravo rakakwanisa kunyoresa vanhu vanosvika zviuru mazana matatu negumi, kana kuti 310 000, pasi pechirongwa ichi.

Vanotiwo vave nemakore maviri vaumba bazi rinomirira vakaremara, iro riri kutungamirwa naDoctor Christine Peta.

Professor Mavima vanoti munguva ino bazi ravo riri kubatsira vakaremara kuburikidza nehomwe yemari yavakaisa parutivi yekubatsira vanoda kutanga zvirongwa zvekuzvibatsira, uye ivo segurukota vari kukurudzira kuti vanhu vanyorese kumahofisi ebazi ravo ari nyika yose kuti vabatsirwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG