Accessibility links

Breaking News

Vanachiremba Vanoti Mamasiki Ashandiswa Asabatwabatwa Kunze Kwekuarasa


Vanachiremba vanoti ma'mask' ashandiswa asabatwa kunze kwekuraswa
Vanachiremba vanoti ma'mask' ashandiswa asabatwa kunze kwekuraswa

Zvichitevera kutaurwa pachena kwekuti vamwe vanhu vari kunhonga zvinoshandiswa kuvhara mhuno nemiromo, mamasiki, (face masks) anoshandiswa nevanhu mukudzivirira chirwere che coronavirus, bazi rehurumende rinoona nezvehutano rakurudzira vanhu paTwitter paro kuti vanhu vachekecheke mamasiki avashandisa vasati vaarasa kuitira kuti vamwe vanhu vasaanhonga vachiawacha kuti vazoatengesa zvekare. Izvi zvinotevera mashoko ekuti vamwe vanhu varikufamba vachinhonga mamasiki akasviba awa, vachiawacha vachizoatengesera kuvanhu zvekare. PaTweeter pavo, bazi rehurumende rinoona nezvehutano rinokurudzira vanhu kuti vatore mamasiki avo avashandisa vachiachekacheka vasati vamarasa kudzivirira kuti vamwe vanhu vasazoanonga vachiatengesa zvekare. Asi vamwe vanachiremba vanoti bazi rehurumende rezvehutano ririkukurudzira vanhu kuita zvinovapinza munjodzi dzehutano, vachiti mamasiki ashandiswa anenge ave tsvina isingafanirwi kubatwa asi inofanirwa kuraswa isina kubatwa nemaoko kunyange nemuridzi wayo. Dr Simbiso Ranga, vanoshanda mudunhu reNorth Carolina, muAmerica, vanoti kana ‘face mask” yashandiswa, haifanirwi kubwatwa kunze nemuridziwayo asi achiibata zvakanaka uye akachenjera paanoirasa nekuti ndiyo yakabata nekutakura hutachiona hwese hwange huchida kupinda mumuviri wake. Dr Ranga vati kana iri masiki yako unogona kuibata zvakanaka, pakuiwacha nepakuiwomesa kuti ugoishandisa zvekare, iwe muridzi wayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG