Accessibility links

Breaking News

Makurukota Akatemerwa Zvirango naVaTrump Anopiwa Mavhiza Okupinda muAmerica


VaSibusiso Moyo, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika

Svondo rinouya, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vachange vari muAmerica kuzoita misangano yezvamabhizimisi uye kuitawo hurukuro dzezvekudyidzana kweAmerica neZimbabwe.

VaChinamasa vari kuperekedzwa nagavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, pamwe negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo.

Vatatu ava vari pavanhu vakatemerwa zvirango neAmerica, asi rwendo rwuno vakapihwa mavhiza ekupinda muAmerica.

Dzimwe nyanzvi mune zvamatongero enyika dzinoti kubvumidzwa kwavo kuzoita misangano iyi chiratidzo chekuti America inoda kupa hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa mukana wekugadzirisa zvinhu zvakange zvakanganisika apo Zimbabwe yaitongwa naVaRobert Mugabe.

Imwe yenyanzvi idzi uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDehwa Mavhinga, vanoti vatatu ava vanofanirwa kuziva zvavanofambira nekuti vapiwa mukana wekuratidza kuti vane chido chekugadzirisa zvinhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG