Accessibility links

Breaking News

VaMoyo Vanobvisiswa ZW$50,000 seMari yeChibatiso


Health Minister Obediah Moyo speaking to journalists in Harare, March 5, 2020, after Zimbabwe received some equipment from the World Health Organization to fight COVID19. (Columbus Mavhunga/VOA)
Health Minister Obediah Moyo speaking to journalists in Harare, March 5, 2020, after Zimbabwe received some equipment from the World Health Organization to fight COVID19. (Columbus Mavhunga/VOA)

Gurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, avo vakasungwa neChishanu manheru, vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekushandisa chinzvimbo chavo zvisiri izvo.

Asi vapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso inosvika zviuru makumi mashanu zvemadhora emuZimbabwe.

Muchichisi wenyaya iyi, VaClemence Chimbari, vaudza dare kuti VaMoyovakapara mhosva nhatuvachishandisa masimba ehofisi yavo zvisirizvo.

VaChimbari vati pamhosva yekutanga VaMoyo vakatambira tsamba kubva kuna VaDelish Nguwaya vanove mumiriri wekambani yePapi Pama LLC vakashandisa simba ravo zvisirizvo zvakaita kuti kambani iyi ipihwe basa pasina kuitwa ongororo yakakwana zvakaita kuti hurumende irasikirwe nemari inoita mamiriyoni gumi nemashanu emadhora ekuAmerica.

Pamhosva yechipiri, VaChimbari vati VaMoyo vakakonzeresa kuti kambani yeDrax International ipihwe tenda yekutenga mishonga yemari inoita mamiriyoni makumi mana emadhora ekuAmerica pasina kuitwa ongororo yekambani iyi.

Pamhosva yekupedzisira, VaMoyo vanonziwo vakakonzeresa kuti kambani yehurumende inoona nezvekutengwa kwemishonga yeNatpharm ipinde muchibvumirano nekambani yeDrax International chekutenga mishonga kubva kukambani kunyange hazvo vaiziva kuti kambani yePapi Phama neyeDrax Consult SAGL idzo dziri pasi pakambani yeDrax International dzisina kubudirira paongororo yekuti dzinokodzera here kuita basa rehurumende.

VaChimbari vati izvi zvakaita kuti hurumende irasikirwe nemari inoita mamiriyoni gumi nemanomwe emadhora ekuAmerica.

Zvichakadai, mutongi wedare, VaMunamato Mutevedzi, vati VaMoyo vabhadhare madhora zviuru makumi mashanu zvemaRTGS semari yechibatiso mushure mekunge hurumende yati haisi kupikisa kuti vapihwe mukana wekutongwa vachibva kumba kwavo.

VaMutevedzi vati VaMoyo vazvipire kumapurisa ekomisheni inorwisa huori yeZimbabwe Anti Corruption Commission katatu pasvondo.

Vatiwo vasiye magwaro emba yavo yekuEastlea iri muzita remudzimai wavo uye kuti vasavhiringidzane nevafakazi vanoti VaGerald Gwinji, avo vaimbove munyori mubazi rezvehutano, mukuru ari kuona nezvehurongwa hweCovid-19, Dr Agnes Mahomva, Amai Flora Nancy Sifeku vekuNatpharm pamwe naVaGeorge Guvamatanga vanove munyori mubazi rezvemari.

Mutongi wedare atiwo VaMoyo vasiye pasipoti yavo kudare.

VaMoyo vanga vakamiririrwa negweta ravo, VaJames Mutizwa, avo varamba kutaura nevatori venhau.

Mutungamiri weDemocratic Party, VaWurayayi Zembe, vati chimbichimbi yaitwa nyaya yaVaMoyo inoratidza kuti hurumende haibate nyaya zvakaenzana.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati nyaya dzakaita sedzaVaMoyo ndivo vanhu vanofanirwa kugariswa mujeri kwete vanhu vanorwira kuti munyika muve nehutongi hwejekerere.

Zvichakadai, VaMoyo vanzi nemutongi wedare vadzoke kudare musi wa31 Chikunguru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Murwiri wekodzerom dzevanhu uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti vanotarisira kuti matare achatonga nemazvo nyaya dziri kupomerwa VaMoyo.

VaMavhinga vanotiwo VaMoyo havachakodzeri kudzokera kubasa ravo kudzamara nyaya iyi yapera kutongwa mumatare edzimhosva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutori wenhau weZim Morning Post, Elias Mambo, uyo akatanga kubuditsa huori hwaiitwa nekambani yeDrax International, anoti ari kufara kuti nyaya dzaakaburitsa dzaita kuti vakuru vakuru muhurumende vamiswe pamberi pematare edzimhosva.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


VaMoyo igurukota rechipiri muhurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kusungwa vari pabasa neZaac zvichitevera kusungwa Amai Prisca Mupfumira gore rapera vachipomerwa kuita zvehuori.

Kusungwa kwaVaMoyo kunotevera kusungwa svondo rapera kwemumiriri weDrax International muZimbabwe, VaDelish Nguwaya, vachipomerwa mhosva yekukorovhera hurumende pakutengwa kwezvinhu zvekushandisa mukurwisa chirwere cheCovid-19.

VaNguwaya vakanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso vachuchisi vachiti vanogona kuvhiringidza kuferefetwa kwenyaya dzavari kupomerwa, uye kutiza munyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG