Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoshorwa neKunonoka Kwayo Kubatsira Vakadhirikirwa neMugodhi weEldorado kuChinhoyi


Vanhu gumi nevaviri vanonzi vakavharirwa nemugodhi weEldorado kuChinhoyi, uyo wakadhirika mazuva mashoma adarika.
Vanhu gumi nevaviri vanonzi vakavharirwa nemugodhi weEldorado kuChinhoyi, uyo wakadhirika mazuva mashoma adarika.

Munyori mukuru mubazi rinoona nezvezvicherwa VaMuneisu Munodawafa nezuro vakashanyira mugodhi weEldorado muChinhoyi uyo wakadhirikira vanhu vanosvika gumi nevaviri. Mitumbi yevanhu vaviri yakatoonekwa.

VaMunodawafa, avo vakaperekedzwa nevashandi vebazi reEnviromental Management Agency, EMA, vakati vari kushamisika zvikuru kuti hapana zvine musoro zvati zvaitwa mukuedza kuona kuti vanhu vakadhirikirwa vaburitswa.

Vakabva vataurira vashandi vebazi ravo kuti vapinde mumugodhi uyu kuti vanoongorora kuti zvakamira sei kuti vabatsire mukuburitswa kwevanhu ava.

Asi vamwe vanoti kupinda mumugodhi uyu kunonetsa sezvo pasina manera nezvimwe.

Hama dzevanhu vakadhirikirwa dzinoti hadzisi kufara nemashandiro ari kuita vashandi vehurumende vebazi rinoona nezvezvicherwa vavanoti vaifanirwa kutungamira mukuburitswa kwevanhu vakadhirikirwa.

VaSunday Manenji, Baba VaMackitayi uyo wevamwe vakadhirikirwa vanoti mwana wavo akatofa sezvo mave kubuda mweya yemitumbi

VaManenji vanoti vanoziva kuti mwana wavo akadhirikirwa sezvo iye ainge aine shamwari yake iyo yakapukunyuka.

Mumwe asiri kufara nemashandiro ebazi rinoona nezvezvicherwa ndiVaJacob Nhira.

VaNhira vanoti vanhu vakadhirikirwa vanofanirwa kuburitswa vasati vaora kuti vavigwe zvin echiremerera kwete kuzovigwa vakawanda pamwechete mumudodhi uyu.

Mambo wenzvimbo ine mugodhi weEldorado Ishe Katizamatombo, VaGidson Jenami, vanoti hapana chivanhu chakaitwa pamugodhi uyu izvo zviri kukonzeresa kuti vanhu vakawanda vafe mumugodhi uyu.

VaMunodawafa vakaudzawo vanhu kuti mapurisa enyika ndiwo ainge ave kuchengetedza nzvimbo yemugodhi uyu. Vakati hapana munhu asiri mushandi webazi ravo anofanirwa kupinda mumugodhi nechikonzero chipi zvacho.

Vakati vari kupa vanhu vangadai vari pasi pemugodhi vachikorokoza goridhe mazuva matatu kuti vabude mushure mezvo bazi ravo richavhara maburi ose anopinda mumugodhi uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG