Accessibility links

Breaking News

Varimi Voyaura kuMashonaland West neKusabhadharwa neGMB


Varimi vakawanda mudunhu reMashonaland West vanochema chema kuti varikumanikidzwa kubhadhara mari yekutakura mbeu nefotireza kubva kumadepoti eGrain Marketing Board (GMB) kusvika kuminda yavo.Varimi ava vanoti havasati vawana mari yavo yose kubva kuGMB izvo zviri kuita kuti vatadze kurima zvakakwana uye kuti hupenyu hwavo huvaomere.

Varimi ava vanoti havana kurima minda yavo yose nekuda kwekushaya mbeu nefotireza.Vanoti vanoshushikana zvikuru kuti hurumende kuburikidza neGMB iri kutadza kuvabhadhara mari yezvirimwa zvava kaendesa gore rapera.

Vamwe vanoti vave nemakore maviri vasati vapiwa mari yavo kuGMB izvo zvave kuita kuti vetengesere vatengi vakazvimiririra (private buyers) avo vavanoti vanotenga zvirimwa zvavo nemari yepasi pasi kunyange vachipiwa mari yavo yose pakarepo.

Tani rimwechete rinotengwa nemadhora mazana matatu nemakumi mapfumbamwe ($390) kuGMB zvichienzaniswa nemadhora mazana maviri

($200) anotengwa nevatengi vazvimiririra.

Varimi ava vanoti kusawana mari yavo nenguva zviri kuita kuti hupenyu hwavo huvaomere zvikurusei munguva yekuendesa vana kuzvikoro nenguva yekurima.

Vanotiwo denga rakavaseka gore rino sezvo mvura isiri kunyatsonaya izvo zvichaita kuti vatarisane nenzara gore rinouya.

Muzvari Ruth Negande vanorima kuLions Den vanoti vakatadza kurima minda yavo yose sezvo vainge vasina mbeu nefotireza nekuda kwekuti GMB haisati yavapa mari yavo yechibage chinosvika matani gumi nemaviri.

Muzvari Negande vanoti kusabhadharwa neGMB kwave kuita kuti vatadze kuwana mari yekutenga zvekudya ivo nemhuri yavo yevana vatatu.

Izvi zvinotsigirwa naAmai Yolanda Ncube vanorima kuMhangura. Amai Ncube vanoti vakarima hekiteya imwe chete sezvo vakashaya mbeu. Amai Ncube vanoti vakatadza kuwana mbeu yehurumende sezvo vakashaya mari inoita madhora makumi maviri nemashanu yekuunza mbeu kubva kuGMB kusvika kuMhangura.

Murimi anofanirwa kubhadhara madhora mashanu pasaga rega rega kuti ritakurwe kubva kudepot kusvika pamurimi.

Amai Ncube vanoti vane chivimbo chekuti kanzura wavo ari kuba mari yevarimi achiti imari yekutakurisa mbeu nefotireza kubva kuChinhoyi kusvika kuMhangura.

Vanotiwo madhora mashanu pasaga imari yakawanda kutakurisa mbeu nefotireza.

Amai Jacqueline Tongoona avo vanorima kuSadoma, kuMakonde vanoti mvura haisi kunaya zvakanaka izvo zvichaita kuti nzara ipfunye chisero mumba mavo.

Amai Tongoona vanoti vachatodyara bhinzi muna Ndira idzo vanotarisira kutengesa kuti vagozotenga chibage sezvo mwaka wekurima chibage wave pakati mvura isati yanyatsonaya.

Mumwe murimi wemuChinhoyi vaShame Chirwa vanoti kusanaya zvakanaka kuri kuitika kuchakonzera nzara huru munyika. VaChirwa vanoti gore ramangwana richange riri rekusunza chete.

Asi Amai Benhilda vepapurarazi reRange kuMakonde vanoti nzara yatopfunya chisero mumba mavo sezvo vasati vapihwa mari yavo kuGMB.Amai Benhilda vanoti vave kutotarisira masangano akazvimiririra oga kuti avape zvekudya.

Ambuya Gire veku Lions Den vanoti parizvino vari kurarama nekuita maricho. Ambuya Gire vanoti kusanaya kwemvura zvakanaka kunoita kuti vanoda kuitirwa maricho vave vashoma.

Asi vakafanobata chigaro chemukuru weGMB vaLawrence Jasi vanoti bazi ravo rakapa varimi mari yavo yose mwedzi wapera.

Vanoona nezvemamiriro ekunze vanoti mwaka iri kushanduka izvo zviri kukonzera kunonoka kunaya kwemvura.Vanokurudzira varimi kurima mbeu dzinokurumidza kusvika uye mbeu dzinokura nemvura shoma kuti vawane zvekudya zvakakwana.

XS
SM
MD
LG