Sangano revanogaya upfu, reZimbabwe Millers Association, ZMA, rinoti zvinhu zviri kufamba semarongerwo azvo munyaya dzekupinzwa kwechibage kubva kunze seshuviro yaro yekuti nyika irwisane nenzara.
Sachigaro wesangano iri, VaTafadzwa Musarara, vanoti sangano ravo riri kutarisira kupinza chibage chekutanga chinosvika matani zviuru makumi mapfumbamwe chakatengwa kubva kunyika dzinoti Mexico, Ukraine neUruguay.
VaMusarara vanoti sangano ravo pari zvino rine chibage chinokwanisa kupa nyika upfu kwemwedzi miviri nechidimbu, panguva imwe cheteyo chimwe chinenge chichipindawo munyika.
Vanotiwo chibage chiri kupinzwa nesangano reZMA ichi chichena uye hachina kuuchikwa.
Zimbabwe inonzi yakatarisana nenzara inotyisa, izvo zvakazoita kuti hurumende ibvumidze vanogaya upfu ava kupinzawo chibage kubva kunze.
Sangano rinobatsira nechikafu pasi rose re World Food Program rinoti Zimbabwe inoda mari inodarika mazana maviri emamiriyoni emadhora yekutengera vanhu chikafu kusvika muna Kurume gore rinouya.
Sangano raVaMusarara raimbotenga chibage kuZambia neSouth Africa asi nyika idzi dzinonzi dzakamira kutengesa chibage sezvo mvura isina kunaya zvakanaka mudunhu rese rekuchamhembe kweAfrica.
VaMusarara, avo varamba kutaura mutengo wavari kutenga nawo chibage ichi, vanoti veruzinji havafanirwi zvavo kutya kuti kutenga kwavo chibage kunyika dziri kure kungazokwidza mutengo weupfu.