Accessibility links

Breaking News

Manyuchi Orwira Kuchengeta Bhadhe Rake Mumutambo Wake naMuhamad Sebyala


Boxing Ring Masvingo
Boxing Ring Masvingo

Mutambi wetsiva ane mukumbirira, Charles Manyuchi, ari kusangana mangwana naMuhamad Sebyala wekuUganda mumutambi wake wekudzivirira bhande rake re Middleweight Title - World Boxing Federation, uyo uri kuitirwa muMasvingo.

Vachitaura nevatori vanhau vaviri ava vati vakagadzirira zvikuru kukunda mumutambo uyu, uyo wava nenguva uchimiswa nenyaya ye denda reCovid-19.

Shasha ine bande iri, Manyuchi, uyo akatanga mutambo wetsiva muMasvingo, anoti akauyisa mutambo uyu mudhorobha iri chinangwa chekuti vatsigiri vake vaone mutambo uyu.

Asi izvi zvatadziswa nedenda reCovid-19 mushure mekunge hurumende yati hapana vatsigiri vanobvumirwa kupinda munenge muchitambirwa mutambo uyu.

Manyuchi, uyo anga achizvigwinyisa muviri wakwe kwemwedzi inodarika mitanhatu ari pamuzinda wake we Charles Manyuchi Academy muChivhu, avimbisa kudonhedza mukomana wekuUganda muraundi rekutanga mumutambo une maraundi gumi nemaviri.

Manyuchi anoti akagadzirira zvakakwana uye anoda kudzidzisa Sebyala chidzidzo chakasimba.

Izvi zvatsinhira naManeja wake, Amai Prosper Chibaya, avo vati ivo Manyuchi akasimba zvikuru sezvo akagadzirira mutambo uyu kubva
gore rapera pawaifanirwa kutambwa nekudaro mukoma anotodzivirira
bande rake kuti risaende kuUganda.

Asi Sebyala, uyo asingagoni kutaura Chirungu, aratidza vatori venhau nemutauro wemaoko kuti anoda kugura musoro waManyuchi mumutambo wamangwana.

Maneja waSebyala, VaAbey Mugayi-Arum, vatsinhirawo vachiti havana
kufambira kuZimbabwe kuzoshanya nekuona nzvimbo dzevashanyi se Great Zimbwabwe Ruins, asi kuti vakauya kubasa rekurakasha Manyuchi votora mukombe voenda nawo kuUganda.

Amai Chibaya vati vange vane chinagwa chekuti vanhu vemuMasvingo vaone mutambo uyu asi nenyaya yeCovid-19 hazvichaiti sezvo kuungana
kwakwarambidzwa nemitemo mitsva yakaiswa nemutungamiriri wenyika.

Vatsigiri vetsiva muMasvingo vakaita saVaHardlife Tangayi, vati varwadziwa zvikuru kuti vatadza kuona mutambo wepamusoro uyu, uyo uri muberevere ravo.

Asi vati vachatevera mutambo pachivhitivhiti vachitsigira mwana wemumusha wavo kuti akunde, kuitira kuti arambe ane bande rake.

Sebyala ane makore makumi mana nerimwe ekuberekwa, uye akarwa mitambo makumi matatu nemumwe chete, akakunda mumitambo gumi nepfumbamwe, uye akarohwa mumitambo gumi nemumwe, akuita mangange pamutambo mumwe chete.

Manyuchi, uyo ane makore makumi matatu nerimwe chete, akarwa mitambo makumi maviri neminomwe ndokukunda mumitambo makumi maviri nemiviri, akarohwa mumitambo mina, akaita mangange mumutambo mumwe chete.

Manyuchi akapedzisira kurwa na Diergo Diaz Gallardo wekuArgentina muna Gunyana 2019, uyo akarova muraundi yechitatu muHarare.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG