Accessibility links

Breaking News

Vafundisi Vopa Pfungwa Dzavo Pamusoro peKutoresa Vana Vechikoro Mhiko


Munyika mune kukandirana makobvu nematete pakati pevanhu vasiri kuwirirana nenyaya yekuti vana vechikoro votora mhiko here kana kuti kwete.

Nyaya iyi yaunzawo kusawirirana kune vamwe vafundisi munyika. Mufundisi Albert Manjoro vanopinda kereke kuHarare vanoti havawirirane nenyaya yekutoresa vana mhiko.

VaManjoro vanoti, “ Nyaya yeNational Pledge iyi hayina kumira mushe, yahatidi kusimudza mweya yevanhu vakafa munyika yedu hazvina kunaka zvinounza nhamo, kutambura kuvanhu, isu hatisi mamoslem. Tiri vechitendero chechikrisito, tinoda Scripture Union yagara iripo kare, nemunamato wedu we The Lord's Prayer. Ndoo zvinoisa nyika mumaoko aMwari."

VaManjoro vanowedzera vachiti, “Zve National Pledge zvinopikisana ne chikrisito. Imhiko inoitwa kumamoslem, saka nyika ino iri kuda kuiswa kuchimoslem, zvino isu sevana vaMwari tinoti kwete, kusaruta flag kunamata mufananidzo, zvino isu tinoti vana wedu hava namate mufananidzo, kwete taramba semaZimbabweans.”

Pastor Barbra Bassey
Pastor Barbra Bassey

Mufundisi wechidiki muzvare Immaculate Nyamaropa vanotenderana naVaManjoro vachitiwo “Zve National Pledge zvinopikisana ne chikristo.”

Mumwe Mufundisi wechidzimai Amai Babara Bassey vanopinda chechi kuMarondera vanoti kusimudza mureza hazvina kuipa “Handisi kuona chakaipa pakuita National Pledge, nekuti kusimudza mureza vana vachinamata hakusi kunamata zvimwari mufananidzo. Nyika inomirirwa nemureza saka kana muchinamatira nyika muno simudza mureza. Kana mhiri kwemakungwa vanayo wani minamato yavanoitira nyika dzavo muzvikoro vakasimudza mureza wavo. Saka handisi kuona chakaipa kuti nyika yeduwo iite munamato yakasimudza mureza.”

Vanoenderera mberi vachiti, "Kutaurwa kwevakafira nyika kungovaremekedzawo nekutonamatira mhuri dzavowo dzavakasiya. Handione paine chakaipa pazviri nekuti munamato.”

Mhiko iyi kana kuti National Pledge yakatanga kutoreswa vana nemusi weChipiri pakavhurwa zvikoro. Vamwe vabereki vakatoendesa nyaya iyi kumatare vachiti mhiko iyi inotyora bumbiro remitemo.

Asi gurukota rinoona nezvedzidzo VaLaserus Dokora vanoti hapana chakaipa pakutoresa vana mhiko.

Nyaya Ina Chioneso Jani
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG