Accessibility links

Breaking News

Murwiri weKodzero dzeVanhu, Mushakabvu VaDewa Mavhinga, Vorangarirwa neMunamato neMugovera


Murwiri wekodzero dzevanhu, mushakabvu VaDewa Mavhinga, tavo vaive zvakare mukuru weHuman Rights Watch, kuchamhembe kweAfrica.
Murwiri wekodzero dzevanhu, mushakabvu VaDewa Mavhinga, tavo vaive zvakare mukuru weHuman Rights Watch, kuchamhembe kweAfrica.

Vaive murwriri wekodzero dzevanhu uye vaive mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, mushakabvu VaDewa Mavhinga, vari kurangarirwa kuburikidza nemunamato wepadandemutande uchatungamirwa nekereke yeMethodist Church in Zimbabwe ku Britain neMugovera 22 Ndira, 2022.

Munin’ina waVaMavhinga, Dr. Edgar Munatsi, vanoti munamato uyu uchaitwa padandemutande kubva nenguva dza2:00 masikati nguva dzekwakare ku Britain, idzo dzinenge dziri nguva dza 4:00 masikati kuZimbabwe, uye uchange uchatungamirwa naChaplain Reverend Doctor Dube.

Dr. Munatsi vanoti munamato uyu ndewe kususukidza mweya waVaMavhinga uye hausi kubatanidzwa nenyaradzo kwete.

Vanoti nyaradzo ichaziviswa mazuva aichaitwa uye ichange ichizotungamirwa nemhuri kumusha kuHwirisha kunove kwakaradzikwa VaMavhinga.

Vanoda kupindawo mumunamato uyu vanonzi vanokwanisa kushandisa nhamba dzekupindisa mu ZOOM dzinoti 858 6685 6175, svombonoro yacho kana kuti PASSWORD iri dewa mumavara madiki kana kuti lowercase uye munamato uyu achange uchiburitswawo zvakare paFacebook.

VaMavhinga vakashaya musi wa 04 Zvita, 2021, vari kuSouth Africa vava nemakore makumi mana nemaviri ekuberekwa.

Hurukuro naDr. Edgar Munatsi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG