Accessibility links

Breaking News

Musori Akafa Munguva Yakapidigurwa VaMugabe Anorangarirwa Vanhu Vachitya Kutaura


President Robert Mugabe, center, in a meeting with the ZDF Commander General Constantino Chiwenga, South African Minister of Defense Nosiviwe Mapisa-Nqakula (in yellow head wear), Zimbabwe Defense Minister Dr Sydney Sekeramayi and Zimbabwe State Security
President Robert Mugabe, center, in a meeting with the ZDF Commander General Constantino Chiwenga, South African Minister of Defense Nosiviwe Mapisa-Nqakula (in yellow head wear), Zimbabwe Defense Minister Dr Sydney Sekeramayi and Zimbabwe State Security

Vaimbove musori mukuru mudunhu reHarare, zvakare vari mumwe wevakarwira rusununguko rwenyika muhondo yeChimurenga, Va Peter Munetsi, avo vanonzi vakapondwa apo mauto aibvisa pachigaro vaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, varangarirwa neMugovera panyaradzo yaitwa kumba kwavo kuGreendale.

Vanhu vaungana vanga vasina kusununguka kutaura kuti chii chakaitika pakufa kwaVaMunetsi, avo vanonzi vakafa musi wa15 Mbudzi, mushure mekurohwa zvakaipisisisa nemauto, sezvo vaifungidzirwa kuti vaikanganisa mauto munguva yeOperation Restore Legacy.

Panyaradzo iyi pange pakaoma uye pachirema, hama dzemushakabvu, kanawo mudzimai wake, Amai Rose Munetsi, vange vasingabvumidzwe kutaura nevatori venhau nevanhu vange vasingazivikanwi kuti ndivanani

Vange vakadomwa kuti vape humbowo pamusoro pehupenyu hwaVaMunetsi vange vachitya kutaura, uye vakwanisa kutaura, vataura kwemineti imwe chete.

Vamwe vatadza kutaura zvachose, izvo zvaratidza kuti zvinhu zvanga zvisina kumira zvakanaka.

Amai Munetsi vaudza vanhu vapinda kuti murume wake aive nerudo.

Vamwewo vataura panyaradzo iyi vati zvakaitika zvakaoma uye zvakarema kuti vataure zvakaitikika pachena.

Vachinyora mubepanhau repadandemutande, vaimbove gurukota muhurumende yaVaMugabe, uye vari muzukuru waVaMugabe, VaPatrick Zhuwawo, vati VaMunetsi havaifanirwa kufa mafiro avakaita.

Vati VaMunetsi vakaurayiwa nevanhu vakabvuta masimba ehurumende yaVaMugabe.

Vachinyorawo pa twitter nguva pfupi yapfuura, vaive gurukota rezvedzidzo yepamusoro, VaJonathan Moyo, vakatiwo VaMunetsi vakaurayiwa nemauto.

Vasori vakawanda vanga vari panyaradzo iyi varamba kutaura nevatori venhau.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remukuru wevasori, Ambassador Isaac Moyo, sezvo vange vasiri kudaira foni yavo.

Studio7 hainawo kukwanisa kunzwa kumutauriri wemauto, Colonel Overson Mugwisi, sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

VaMunetsi vanonzi vakavigwa kunzvimbo inovigwa magamba edunhu reHarare kuWarren Park uye zvinonzi mauto akapa mhuri yavo zana remakirogiramu enyama parufu rwavo.

Zvinonzi panguva yaimanikidzwa VaMugabe kusiya basa pasi pechirongwa che Operation Restore Legacy, vasori nemapurisa akawanda vanonzi vakashungurudzwa nemauto sezvo pakanga paita zvikwata zviviri zvaipikisana.

Kusawirirana panyaya yekubvisa VaMugabe pachigaro kunonzi kwakaitikawo kuvakuru vaive muhutungamiri hweZimbabwe Defence Forces, izvo zvakaita kuti vaive mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, vaendeswe pamudyandigere zvichitevera kugadzwa kwaVaEmmerson Mnangagwa semutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG