Accessibility links

Breaking News

Vakafa Munjodzi kuChecheche Vanorangarirwa


Checheche Memorial, Chipinge

Nyaradzo yevanhu gumi nevaviri vakafira kuChecheche kuChipinge kutanga kwemwedzi uno yakaitwa neChishanu munzvimbo iyi.

Hurumende yakange yakamiririrwa negurukota rezvedunhu reManicaland, Doctor Ellen Gwaradzimba, uye inonzi yakabatsira nemari nezvimwe panyaradzo iyi.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth Development Trust, VaClaris Madhuku, avo vakange vari panyaradzo iyi, vanoti zvinhu zvakafamba hazvo zvakanaka asi dzimwe hama dzevafi dzakaratidza kunyunyuta kuti hurumende haina kuvapa nguva yakakwana sezvo vaida kukoka hama dzavo nevakuru vakuru vemakereke kuti vavepo.

“Vazhinji vemhuri dzakashaikirwa vange vachidawo nguva yakanyatsokwana kuti chirongwa chinyatsoonekwa kuti ndechemhuri dzakashaikirwa,” VaMadhuku vaudza Studio 7.

“Sezvo yange iringuva yekunyaradza, vaifanira kudai vakauya vazhinji ndevemakereke akakomberedza nharaunda kuti vauye vachenure nharaunda.”

Vanhu gumi nevaviri vakafa pedyo neChecheche Growth Point apo kombi yakabonderana nerhori yeGreen Fuel yakange yakatakura nzimbe ichienda kuChiredzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG