Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoshushikana Zvichitevera Kufa kweVanhu Vane Covid-19 Zvisingazivikanwe Kuti Vane Chirwere Ichi


Nyanzvi mune zvehutano dzinoti hadzikurudzire kuti vanhu vazivikanwe kuti vanga vaine chirwere cheCOVID-19 mushure mekunge munhu afa sezviri kuitika munyika.

Nyanzvi idzi dzinoti izvi zvinodziviririka chete kana hurumende ikaongorora vanhu vakawanda kusanganisira vese vanenge varwara.

Magwaro anobudiswa nebazi rezvehutano pamusoro pechirwere cheCOVID-19 anoratidza kuti kune vanhu vanozozivikanwa kuti vanga vaine hutachiona hwechirwere ichi ivo vanhu vacho vatoshaya.

Vaimbove gurukota rezvehutano panguva yehurumende yemubatanidzwa, Dr. Henry Madzorera, vati kufa kwevanhu vasati vazivikanwa kuti vari kunetsekana neyi zvinhu zvinoisa vashandi vezvehutano panjodzi.

Mutungamiri wesangano rinomiririra vakoti, reZimbabwe Nurses Association, VaEnock Dongo, vaudza Studio7 kuti sesangano vanogarokurudzira hurumende kuti iise zvikwanisiro muzvipatara zvayo zvinoita kuti vezvehutano vaongorore munhu wese zvake anotsvaka rubatsiro munyaya yezvehutano zvisinei nekuti anoratidza kuti ane chirwere cheCOVID-19 here kana kwete.

VaDongo vanoti sevashandi vezvehutano vanonetsekanawo nevanhu vanozobatwa chirwere ichi ivo vatoshaya.

VaDongo vanoti kusavapo kwezvinoshandiswa kuti vana mukoti vazvidzivirire kuri kuisa nhengo dzavo dzakawanda panjodzi.

Vatiwo sangano ravo riri kushushikana kuti vakoti vari kubatwa nehutachiona vari pabasa vari kuwanda.

Nyanzvi idzi dzinotiwo kuongorora vanhu vakawanda kuti vane chirwere here kana kuti kwete ndiyo chete yekuti hurumende idzivirire kufa kwevanhu vakawanda pamwe nekupararira kwehutachiona hweCoronavirusm uhwo hunokonzera chirwere cheCovid-19.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvehutano, VaJohn Mangwiro, vaudza Studio7 kuti vanhu ava vanenge vaongororwa vachiri vapenyu asi vanofa vasati vaziva zvinenge zvabuda muongororo dzinenge dzaitwa.

VaMangwiro vati izvi zvinoitika sezvo nyika isina michina inobudisa ongororo idzi chiripocho.

Vachibvunzwa kuti izvi hazviisi here hutano hwevashandi vehutano panjodzi, VaMangwiro vati vashandi ava vari kutora varwere vese vanouya kuzvipatara sevanhu vane COVID-19 kusvika zvinenge zvabuda muongororo zvazivikanwa nekudaro vanenge vakapfeka zvekudzivirira.

Kunyange hazvo hurumende ichiti vashandi vanenge vakapfeka zvekuzvidzivirira, vashandi vezvehutano, kusanganisira VaDongo, vanoti izvi hazvisi izvo zviri kuitika muzvipatara zvehurumende sezvo zvikwanisiro zvinodiwa izvi zviri zvishoma zvakanyanya.

VaDongo vanoti kushaikwa kwezvikwanisiro imwe yenyaya dziri kupa kuti vashandi vezvehutano varambe kuenda kubasa.

Sangano ravana chiremba vakuru reZimbabwe Senior Hospital Doctors Association rakazivisa hurumende svondo rino kuti inofanirwa kugadzirisa zviri kunetsa muzvipatara, kutadza kwayo vanenge voramwa mabasa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG