Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano Dzovhunza Nhoroondo yeKushanda kweNhomba yeSinopharm Yakabva kuChina


Covid 19 Vaccine.
Covid 19 Vaccine.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakazivisa nezuro kuti kubayiwa kwenhomba yekudzivirira Covid-19 yakabva kuChina neMuvhuro kuri kutanga munyika yose nemusi weChina, 18 Kukadzi 2021.

Hurumende inoti ichabaya vanhu vanozvipira zvavo kubayiwa nhomba iyi.

Vachizivisa zvakabuda mumusangano wemakurukota, Amai Mutsvangwa vakatiwo kugoverwa kwenhomba iyi kuchatevera hurongwa hwemagoverwo hwagara huripo nechakare.

Hurumende dzeZimbabwe neChina dzakazivisa neMuvhuro kuti nhomba iyi inoshanda sezvinotarisirwa, dzichiti veruzhinji havafanirwe kutya kuishandisa.

Asi dzimwe nyanzvi mune zvehutano dzinoti hapana humbowo hunoratidza kuti nhomba iyi inokwanisa kudzivirira hutachiwana hutsva hunonzi hwakawanikwa kuSouth Africa.

Dare remakurukota rakazivisa nezuro kuti hutachiwana hwekuSouth Africa uhwu hwave munyika, uye ndihwo hune chekuita nezvikamu makumi matanhatu nechimwe kubva muzana zvevanhu vari kubatwa neCovid-19.

Nyanzvi mune zvehutano vachidzidzisa zvehutano paNottingham Trent University kuBritain, Doctor Mathew Nyashanu, vanoti kubaiwa kwevanhu nhomba iyi kwakanaka chose, asi vanhu vanofanirwa kubaiwa nemushonga unozivikanwa kuti unoshanda zvakadii.

Doctor Nyashanu vanoti nhomba yekuChina iyi haina nhoroondo yekuti yakaongororwa nenyanzvi dzakazvimirira, kana kuti peer reviewed.

Ngatinzweyi hurukuro yavaita naJonga Kandemiiri weStudio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG