Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheCovid -19 Chakauraya Vanhu Makumi Maviri neVasere Nezuro


Mushonga wenhomba yeCovid-19
Mushonga wenhomba yeCovid-19

Vanhu makumi maviri nevasere (28) vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu chiuru chimwe chete chinemazana matatu nemakumi matatu nemumwe chete (1,331), vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Ichiburitsa nezuro manheru zvakabuda muongororo yayo nezuro munyika yose, hurumende yakazivisa kuti vanhu vafa nechirwere munyika yose vava chiuru nemazana manomwe nemakumi masere nevapfumbamwe (1,789), uye vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vava zviuru makumi mana nezvipfumbamwe zvine mazana masere anemakumi matanhatu nevana (49,864).

Nyanzvi mune zvehutano, Dr Simbiso Ranga, vaudza Studio 7 kuti kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa neCovid-19 kuri kukonzerwa nenguva yekutonhora pamwe nehukasha hwechirwere ichi, hwe’Third Wave’.

Dr Ranga, avo vanoshanda muNorth Carolina sachiremba, vanotiwo vanhu vabaiwa nhomba yeCovid-19 muZimbabwe vashoma zvikuru.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti vanhu vabaiwa nhomba yekutanga vava zviuru mazana manomwe nemakumi manomwe nezvinomwe nezana nemakumi mashanu nemumwe (777,151), uye vabaiwa nhomba yepiri vava zvuru mazana mashanu nemakumi mashanu nezvishanu nemazana maviri nemakumi manomwe nevanomwe (555 277).

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana (60%) senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Asi Dr Ranga vanoti huwandu hwevanhu vari kubaiwa nhomba hunofanira kukwira zvakanyanya zuva nezuva kuitira kuti vanhu vakawanda vabaiwe nhomba kaviri sezvinotarisirwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG