Accessibility links

Breaking News

Misa Zimbabwe Inoburitsa Ongororo Inoratidza Kusabatwa Zvakanaka neMapurisa kweVatori veNhau


Zimbabwe World Press Freedom Day 2013

Sangano reMedia Institute of Southern Africa - Zimbabwe, Misa Zimbabwe, rinoti vatori venhau vakashungurudzwa zvakanyanya muna 2020, zvichienzaniswa na2019.

Izvi zviri muongororo inobudiswa nesangano iri kamwe chete pagore, 2020 State of media Report.

Misa Zimbabwe inoti iri kushushikana zvikuru nekukwira kuri kuita huwandu hwevatori venhau vari kushungurudzwa vari pabasa ravo.

Mukuru weMisa Zimbabwe, VaTabani Moyo, vati gwaro ravakabudisa nezuro rinoratidza kuti mugore ra2020 vatori venhau nenhau dzemifananidzo vanosvika makumi mashanu nevaviri vakashungurudzwa zvichienzanisa nemakumi maviri nevanomwe vakashungurudzwa muna 2019.

VaMoyo vatiwo zvinovashamisa kuti hapana kana munhu mumwe chete akashungurudza vatori venhau akasungwa nemapurisa, kunyange hazvo nyaya idzi dzakamhang’arwa zviri pamutemo.

Mumwe mutori wenhau, Thomas Madhuku, akarohwa gore rapera ari pamusangano waive wakokerwa nemutungamiriri weZINASU, VaTakudzwa Ngadziore, pedyo nekambani yeImpala Car Rentals.

Madhuku atiwo kunyange akamhangara kumapurisa kurohwa kwake,hapana ati asungwa kusvika pari zvino.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti havasati vaona kana kuverenga gwaro rakabudiswa neMisa Zimbabwe vakati vachariongorora neMuvhuro kana vadzokera kubasa.

Mugwaro iri , Misa Zimbabwe inotiwo ongororo yaro yakaratidzawo kuti denda reCovid-19 rakakanganisawo masangano enhau akawanda zvekuti akasabatsirwa mamwe anogona kuvhara sezvo ari kutatarika.

VaMoyo vakatonyorera kuhurumende vachikumbira kuti masangano ezvenhau abatsirwe.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vatiwo hofisi yavo yanga isati yaona gwaro reMisa-Zimbabwe iri.

Amai Mutsvangwa vati bazi ravo rakazvipira kugadzirisazvichemo zvevatori venhau pamwe nekuzviendesa kumberi.

Vati segurukota rezvekuburitswa kwemashoko vakatogadzirisa nyaya yekuti vatori venhau vaonekwe sevashandi vakakosha vanoshanda zvakasununguka kunyange hazvo nyika yakavharwa senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Kunyange hazvo gwaro reMisa Zimbabwe riri kubata nyaya dzakaitika gore rapera, gore rino riri kuonawo vatori vnhau vachishungurudzwa pamwe nekusungwa.

Mwedzi wapera, mutori wenhau, Hopewelll Chin’ono, akasungwa achipomerwa mhosva yekutumira mashoko emanyepo paTwitter, ukuwo Michael Magoronga akasungwa kuKwekwe mwedzi wapera achinzi aishanda zvisiri pamutemo sezvo aive asina kadhi ra 2021.

Vatori venhau vaviri vekuMasvingo, Godfrey Mtimba naTonderai Saharo vakambunyikidzwa nemapurisa pa Mushagashe Training Center, vakarambidzwa musi wa 24 Kukadzi kutora nhau dzechirongwa chekubayiwa kwenhomba yeCovid-19.

Nezuro, mutauriri weZimbabwe Lawyers fo Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vakambochengetedzwa nemapurisa kwemaawa matatu vachipomerwa mhosva yekushandisa kadhi rakapera nguva yaro, vakazoregedzwa mushure mekunge magweta avo apindira.

Vatori venhau vakawanda vanoti uyu munongedzo wekuti zvinhu zvicharamba zvakaoma kwavari gore rino apo vanenge vachiita basa ravo.

Sangano reReporters Without Borders rinoti Zimbabwe iri panhamba yezana nemakumi maviri nenhanhatu, 126, panyika zana nemakumi masere pasi rose dzakaiswa pachikero chokusabata zvakanaka vatori venhau.

Izvi zvinoreva kuti Zimbabwe iri pakati penyika makumi matanhatu dzepasi rose dzisingabati vatore venhau zvakanaka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG