Accessibility links

Breaking News

Masangano Anomirira Vatori veNhau Oshushikana neMitemo Iri Kuda Kudzikwa neHurumende


Zimbabwe World Press Freedom Day 2013

Masangano anomirira vatori venhau anoti ari kushushikana zvikuru nehurongwa hwehurumende hwekuda kudzika mitemo yakaita seCyber Security and Data Protection Act, Patriotic Act nePrivate Voluntary Organisations Amendment Act achiti hurongwa uhu hunodzorera shure budiriro yange yavepo zvichitevera kubviswa kwemitemo yakaita seAccess to Information and Protection of Privacy Act kana kuti AIPPA.

Izvi zvabuda pamusangano wekuzeya kuti ndezvipi zvakanaka nezvakaipa zvaitika panyaya dzekutapwa kwenhau nekufambiswa kwemashoko kubva papinda hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Musangano uyu warongwa neZimbabwe Center for Media and Information Literacy.

Vachitaura vakamirira masangano ose anomirira vatori venhau munyika, sachigaro weMedia Institute of Southern Africa muZimbabwe neSADC, VaGolden Maunganidze, vati hurumende yaVaMnangagwa yakaita zvakanaka chose apo yakabvisa mutemo weAIPPA uyo waimbunyikdza vatori venhau ikadzika mitemo yakaita seFreedom of Information neZimbabwe Media Commission Act.

Vatendawo hurumende iyi nekuvandudza nyaya dzekutepfenyura munyika.

Asi vati zvave kuitwa nehurumende zvekuda kudzika mitemo yakaita seCyber Security and Data Protection Act zvave kudzorera shure zvinhu zvakanaka zvayange yaita.

VaMaunganidze vati mitemo iyi inotyora kodzero dzavo kana kuvakanganisa kuita basa ravo.

Izvi zvatsinhirwa naVaClaris Madhauku, vanove mukuru nemukuru wenhepfunyuro yeMuganda yemunharaunda ichangobva mukupihwa rezenisi kuChipinge.

Bhiri reCyber Security and Protection Act rakatopasa muparamende uye ramirira kusainwa nemutungamiri wenyika kuti rive mutemo.

Bhiri rePrivate Voluntary Organisations Amendment Act rakatobuda mugwaro rehurumende reGovernment Gazette uye paramende ichatanga kunzwa pungwa dzeveruzhinji pamusoro pebhiri kutanga svondo rinouya.

Bazi remutemo richiri kunyora bhiri rePatriotic Act uye rinotarisirwa kuendeswa kuparamende nguva ipi zvayo.

Asi gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vati kunze kwekuvandudza mitemo pamwe nekupa marezenisi ekutepfenyura, bazi ravo riri kuedza napose parinokwanisa kuti vatori venhau vashande vakasunguka munyika.

Vati vachataura nemamwe mapazi ehurumende kuitira kuti vatori venhau vashande vakasununguka sezvo mitemo yakaita seCyber Security and Data Protection Bill isiri pasi pebazi ravo.

Vakurudzirawo vatori venhau kuti vaite basa ravo zvine hunyanzvi vakatiwo havafari nekushungurudzwa kunoitwa vatori venhau dzimwe nguva.

Amai Mutsvangwa vatiwo panguva ino yedenda reCovid-19, vakataura nevamwe vavo kubazi rezvehutano izvo zvakaita kuti vatori venhau vave vamwe vevashandi vakave vekutanga kubayiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 pamwe nekuramba vachishanda kunyange apo nyika yaive yakavharwa senzira yekudzivirira denda iri.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Sipho Mokone, vatiwo separamende vari kuedzawo napose pavanokwanisa napo kuona kuti mitemo yagadziriswa kuitira kuti vatori venhau vashande pasina kumbunyikidzwa.

Vatiwo zvichitevera kushungurudzwa, kusungwa kana kurohwa kwevatori venhau, komiti yavo yakakoka mukuru wemapurisa Commissioner General Godwin Matanga kuparamende asi havana kuuya nekuda kwezvikonzeero zvavasina kutaura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG