Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Voyemura Mashandiro Akaita Vamwe Vavo Musarudzo Dzakaitwa kuKenya


Mumwe mukuru musangano rinoongorora sarudzo kuKenya, reElections Observation Group, VaMulle Musau, vanoti vatori venhau vemuZimbabwe vane zvekudzidza zvakawanda kubva kune vamwe vavo vekuKenya avo vanoti vakabatsira zvikuru kushambadza sarudzo munyika iyi pamwe nekuderedza kuburitswa kwenhau dzemanyepo musarudzo dzakaitwa munyika iri nguva pfupi yapfuura.

Vachitaura pamusangano wekuongoora zvingaitwe nevatori venhau kuti nyika iite sarudzo dzakachena murunyararo, VaMusau vati zvichitevera mhirizhonga yezvematongerwo enyika yakaitika muna 2013, vatori venhau vakagara pasi vakaita chisungo chekuti havachaburitsa mashoko anokurudzira mhirizhonga.

Vati izvi zvakabatsira chose kuderedza mhirizhonga musarudzo dzakaitwa mwedzi wapfuura.

Vatiwo rwendo runo vatori venhau vakaita basa guru mukuburitsa nhau dzaitaura pamusoro pemafambisirwo esarudzo, vaikwikwidza pamwe nezvimwe zvaibatsira veruzhinji musarudzo idzi.

VaMusau vati kunyange hazvo masangano enhau ehurumende munyika aiburitsa nhau dzaitsigira bato riri muhurumende reJubilee Party, izvi hazvina kubatsira nekuti munyika iye mune masangano enhau akawanda akazvimirira aiburitsa nhau dzainge dzisina divi radzakarerekera.

Mukuru wesangano reZimbabwe Association of Community Radio Stations, Vivian Marara, audza Studio 7 kuti pane zvakawanda zvingadzidzwe nevenhau vemuZimbabwe kubva kuKenya.

Marara anoti pachine nguva yekuti masangano enhau agare pasi nevekomisheni yesarudzo, komisheni yenhau pamwe nekomisheni yezvekodzero dzevanhu kuti vaone kuti vangashande sei vese zvisina kupokana musarudzo dzegore rinouuya.

Asi nyaya yabuda mumusangano wanhasi inyaya yekuti mitemo yemuZimbabwe inombunyikidza vatori venhau.

VaChris Chinaka, avo vakamboshandira sangano renhau reReuters, uye vave kudzidzisa vatapi venhau, vati izvi handizvo zvingadzorera vatapi venhau kumashure.

VaChinaka vatiwo nyaya yenhau dzemanyepo zvikurusei pamadandemutande akaita seFacebook, whats app nemamwe yave kuda kuti vatori venhau vaite basa ravo nemazvo kuitira kuti veruzhinji vawane nhau dzechokwadi.

Mukuru anoona nekufambiswa kwezvirongwa muMedia Institute of Southern Africa – Zimbabwe, VaNyasha Nyakaunu, vaudza Studio7 kuti iyi nyaya inofanira kungwarirwa nevatori venhau.

VaMusau vati nhau dzemanyepo kana kuti Fake News dzakanetsa musarudzo dzemwedzi wapfuura kuKenya uye vatapi venhau vakaita basa guru kuburitsa nhau dzechokwadi.

Mhirizhonga yezvematongerwo enyika kuKenya yakauraya vanhu vanodarika chiuru nemazana matatu musarudzo dza2013 asi musarudzo dzegore rino pakafa vanhu vasingasvike zana.

VaMusau vati izvi zvakabatsirwa zvikuru nekuti vatapi venhau vakaita chisungo chekusaburitsa nhau dzinokurudzira mhirizhonga.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG