Accessibility links

Paramende Yoshukana neMashandiro eNhepfenyuro ye Capitalk

  • Irwin Chifera

Honorable MP Kindness Paradza

Nhengo dzekomiti yeparamende inoona nezvekuburitswa kwemashoko, dzashanyira nhepfenyuro yeCapitalk 100.4 FM muHarare, uko dzimwe dzacho dzaratidza kusafara nekuti nhepfenyuro iyi haisi kutepfenyura sezvayakavimbisa apo yakapihwa rezenesi.

Mumiriri weMakonde muNational Assembly, VaKindness Paradza, vebato reZanu PF pamwe naVaProsper Mutseyami veMDC-T vachimirira Musikavanhu, vati mushure mekuteerera nhepfenyuro iyi zviri pachena kuti haisi kuita sedzidzo sezvayakabimbisa.

VaParadza naVaMutseyami vati pabvunzo dzekupihwa rezenisi, vakuru vakuru vekambani yeKingstons, iyo inove varidzi veCapitalk, vakavimbisa kuti sezvo kambani yavo ichiita zvekutengesa mabhuku, nhepfenyuro yavo yaizotepfenyurawo zvirongwa zvedzidzo.

VaParadza vati yange iri tariro yavo kuti zvirongwa zvedzidzo zvichawanda panhepfenyuro yeCapitalk.

Asi dzimwe nhengo dzekomiti iyi, dzakaiata saDoctor Paul Chimedza veZanu PF vachimirira Gutu South, vati Capitalk iri kuita basa rakanaka chose uyewo iri kuburitsawo zvirongwa zvinodzidzisa vana vechikoro neveruzhinji.

Mukuru wenhepfenyuro iyi, VaNapoleon Nyanhi, pamwe nemukuru wekambani yeKingstons, VaFarai Ruziwa, vatinhepfenyuro yavo iri kuita zviri parezenesi yavo.

VaRuziwa vati vakasandura zita chete renhepfunyora kubva kuKE. 100.Fm kuve Capitalk Fm.

VaNyanhi vaudza nhengo dzeparamende pamwe nevashandi vekuBroadcasting Authority of Zimbabwe kuti nhepfenyuro yavo iri kutadza kuunza vakuru vakuru muhurumende kuzvirongwa zvavo.

Vatiwo havasi kuwana rutsigiro kubva kumakambani anoshambadza vachiti vanhu vakwanda vari kuenda kudzinhepfunyuro dzinotepfenyura munyika yese.

Asi VaParadza vati Capitalk inofanira kuita zvirongwa zvakasiyana nenhenpfenyuro dziripo dzakaita saZiFM, Star FM.

Vaenderera mberi vachiti VaNyanhi pachavo pamwe nevamwe vashandi venhepfenyuro iyi vakabva kuStar FM, Zimpapers neZimbabwe Broacasting Co-orporation uye kuti nhepfenyuro iyi isimuke inofanira kuita zvirongwa zvinosiyana nenhepfunyuro idzi.

Kambani yeCapitalk yakapihwa rezenesi neveBAZ muna 2015 ikaenda pamhepo muna Gunyana gore rapera.

Nhepfenyuro iyi yakatotenga michina yechizvizvino kubva kuItaly uye inoti inotarisira kunge yapedza kuisa michina iyi mudzimba dzayo dzekutepfenyura muHarare neKariba mukupera kwemwedzi unouya.

Mumiriri weMabvuku muparamende, VaJames Maridadi veMDC T, vati nhepfenyuro dzakaita seCapitalk dzinoda rutsigiro kuti dzikwanise kuzvimirira.

Sachigaro wekomiti yezvekuburitswa kwemashoko, VaWilliam Dhewa, vati komiti yavo ichashanyira nhepfenyuro ye Diamond kwaMutare mangwana uye svondo rino rese ichange ichitenderera nenyika ichiongorora mashandiro adzo pamwe nekuona kuti dzingade kubatsirwa sei nehurumende kana paramende.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG